Accessibility links

Breaking News

Amai Vimbai Tsvangirai-Java Vanokuwara Mutsaona Yakauraya Vamwe Vaviri


Amai Vimbai Tsvangirai-Java
Amai Vimbai Tsvangirai-Java

MDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti iri kubatana mukuchema nhengo dzayo mbiri, VaPaul Rukanda naVaTafadzwa Mhundwa, avo vakashaya nezuro manheru mutsaona yemotokari kuKwekwe.

Tsaona iyi yakakuvadzawo mumiriri weGlen View South muparamende, Amai Vimbai Tsvangirai-Java, pamwe nasachigaro wemadzimai ebato muHarare West, Amai Muringani.

VaRukanda, avo vaibatsira Amai Tsvangirai-Java kutsvaga rutsigiro, ndivo vaive murongi wemusangano mudunhu reGlen View South.

VaMhundwa, avo vaive hanzvadzi yamushakabvu Amai Susan Tsvangirai, ndivo vaive mutevedzeri wasachigaro muWard 7 ku Mt. Pleasant.

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vaburitsawo mashoko ekunyaradza mhuri dzarasikirwa nehama mutsaona iyi.

Vachinyora paTwitter, VaMnangagwa vati vane hurombo zvikuru nekushaya kwevaviri ava, pamwe nevamwe vaviri vakakuwara, vachiti ndangariro dzavo dziri kumhuri dzavo.

Vatiwo vari kubatana nemhuri yekwaTsvangirai pamwe nenyika yose mukunamatira kuti Amai Tsvangirai-Java vakurumidze kunaya.

Vana ava vaibva kuBulawayo mushure memusangano wekutsvaga rutsigiro pamberi pekongiresi yebato svondo rinouya.

Amai Tsvangirai-Java vari kuda kukwikwidza kuve munyori weboka remadzimai.

Mutauriri weMDC, VaJacob Mafume, vanoti mapurisa chiri kuferefeta chakakonzera tsaona iyi, asi vanoti ruzivo rwavanga vave nahwo panguva yataenda pamhepo nderwekuti paine mumwe mutyairi aida kupfuura imwe motokari zvakaita kuti arovane nemotokari yaive naAmai Tsvangirai-Java.

VaMafume vanotiwo vanga vasati vagara pasi nevemhuri dzevakashaya mutsaona iyi kuti vanzwe hurongwa hwemafambiro achaitazvinhu, asi vanoti vanhu vanga vachakaungana kudzimba dzevafi muHarare.

Hurukuro naVaJacob Mafume
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG