Accessibility links

Breaking News

Nhengo Mbiri Dzaive muMDC-T Muna 2014 Dzinokwira kuDare Dzichiti Bato iri Riise Pachena Hurongwa hweKongiresi Yaro


Vakabata chigaro casachigaro mubato reMDC T, VaMorgen Komichi pamwe nevakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe ndivo vakakwirirwa dare.
Vakabata chigaro casachigaro mubato reMDC T, VaMorgen Komichi pamwe nevakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe ndivo vakakwirirwa dare.

Nyaya yakakwidzwa kudare repamusoro reHigh Court nevarume vaviri vanoti vaive nhengo dzeMDC muna 2014 yanzwikwa mudare neMuvhuro.

Vaviri ava, vanoti VaGilbert Kagodora pamwe naVaNason Mamuse, vakakwira dare neChishanu chapfuura vachida kuti dare iri rimanikidze vari kuronga musangano weExtra Ordinary Congress yeMDC-T vabvumidze munhu wese aive nhengo yebato iri muna 2014 kusanganisira vakadzingwa mubato kuti vapinde mumusangano uyu.

Zvimwe zviri kudiwa nenhengo idzi ndezvekuti gwaro revavhoti kana kuti voters’ roll rionekwe nemunhu wese aive nhengo yeMDC-T muna 2014.

Vakakwirirwa dare vanoti vakafanobata chigaro chemutungamiri weMDC-T, Muzvare Thokozani Khupe, vakabata chigaro chasachigaro veMDC-T, VaMorgen Komichi pamwe nevakabata chigaro chemunyori anoona nezvekurongwa kwemisangano, VaAbednico Bhebhe.

Zvichitevera mutongo wedare reSupreme Court wekuti bato reMDC-T ridzokere paraive muna 2014, bato iri rave kuronga musangano wekongiresi yekusarudza mutungamiri webato achatsiva mushakabvu VaMorgan Tsvangirai.

VaKagodora vanoti senhengo dzeMDC dzaive muhurongwa hwa2014 sekutaura kwedare repamusorosoro reSupreme Court, munhu wese ngaachienda kunogadzirisa musha weMDC sekusiiwa kwawakaitwa naVaTsvangirai.

"So tiri kuti isusu munhhu wese anga ari mu structure iyoyo ya 2014 ane kodzero yekuenda ku congress ane kodzero yeku maker shuwa kuti president acvhatungamirira MDC ndiani," vanodaro VaKagodora.

Hurukuro naVaGilbert Kagodora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi munyori mukuru weMDC-T, VaDouglas Mwonzora vanoti nyaya iyi haina nematuro ose pamberi pedare sezvo vaenda kudare ava vasisiri nhengo dzebato ravo zvichitevera kubuda kwavakaita vachienda kunoumba rimwe bato.

Vanotiwo hapana chekutyira sezvo vasati vaburitsa gwaro rine mazita evavhoti riri kunzi nevaviri ava riburitswe pachena.

"Voters' roll redu re congress harisati rava ready. Rinoenda kuma provinces nekuma districts roongororwa kuti vanhu varipo ndivo here vanofanirwa kunge varipo," VaMwonzora vanodaro.

Hurulkuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Mutongi wedare Justice Webster Chinamora vanonzi vati nyaya iyi idzoke mudare neChishanu chino mushure mekunge vapa mukana vari kupikisa kuti vapewo divi ravo renyaya iyi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG