Accessibility links

Breaking News

Mapato eMDC Alliance neMDC-T Oti Vakunda Sarudzo dzaMeya weBeitbridge neGwanda Inhengo Dzawo


Mapato eMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe neMDC Alliance inotungamirwa naVaNelsn Chamisa ose ari kuti ndiwo ane nhengo dzakunda musarudzo yameya weGwanda
neBeitbridge
Mapato eMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe neMDC Alliance inotungamirwa naVaNelsn Chamisa ose ari kuti ndiwo ane nhengo dzakunda musarudzo yameya weGwanda neBeitbridge

Pave nekudhonzerana pakati pemapato ari kunetsana eMDC Alliance inotungamirirwa naVaNelson Chamisa neMDC-T iri kufanotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe zvichitevera sarudzo dzameya dzakaitwa kuGwanda musi weMuvhuro nekuBeitbridge nemusi weChipiri.

Mapato maviri aya ose ave kuti vakakunda musarudzo idzi nhengo dzawo, kunyange hazvo vakakunda musarudzo idzi vakakwikwidza vari pasi peMDC Alliance.

Bato reMDC Alliance razivisa neChipiri kuti ndiro ranga ratora zvakare chigaro chameya wedhorobha reBeitbridge zvichitevera kusarudzwa kwaVaMunyaradzi Chitsunge sameya pasina avakwikwidza.

Sarudzo iyi yaitwa zvichitevera kudzingwa kwevaive meya veBeitbridge, VaMorgan Ncube pamwe chete nemamwe makanzura maviri anoti VaGranger Nyoni naAmai Agnes Tore nebato reMDC-T mwedzi wapera vachipomerwa mhosva yekusatevera gwara remusangano.

NeMuvhuro MDC Alliance yakazivisa zvakare kuti ndiyo yakanga yakunda musarudzo yameya yakaitwa mudhorobha reGwanda mushure mekunge VaNjabulo Siziba vakunda VaAlbert Ndlovu veZanu-PF.

Sarudzo yekuGwanda yakaitwawo zvichitevera kudzingwa kwevaive meya, VaJastone Mazhale nebato reMDC-T.

Studio 7 yakundikana kubata mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Munyori anoona nezvematunhu muMDC Alliance, VaSesil Zvidzai, vanoti sarudzo idzi dzaitwa nekuti nhengo dzavo dzakanga dzadzingwa zvisiri pamutemo nebato reMDC-T richibatsirana nebato reZanu PF.

VaZvidzai vanoti hapana chekupemberera pakukunda kwebato ravo sezvo riri iro ragara rakasarudzwa nevanhu, kunyange hazvo paine vari kuedza kukanganisa mashandiro avo.

Hurukuro naVaSesil Zvidzai
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mutauriri webato reMDC-T, VaKhalipani Phugeni, vanoti bato ravo reMDC-T ndiro rakakunda musarudzo mbiri idzi nekuti ndiro richine nhengo dziri mumakanzuru maviri aya.

Vanoti vose vakakunda, VaMunyaradzi Chitsunge vekuBeitBridge pamwe nameya weGwanda, VaNjabulo Siziba, inhengo dzebato ravo. VaPhugeni vanoti mapato maviri chete anoti ravo reMDC-T neZanu PF ndivo akakwikwidzana musarudzo dzemadhorobha maviri aya.

Asi vanoti kana pakazoita mumwe anenge azofunga kubuda mubato ravo achipinda mune rimwe bato, munhu iyeyo anenge azvidzinga.

Hurukuro naVaKhalipani Phugeni
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG