Accessibility links

Breaking News

Pastor Mawarire Vorara Zvakare Muchitokisi


Pastor Evan Mawarire#ThisFlag
Pastor Evan Mawarire#ThisFlag

Mapurisa emuHarare akundikana kuendesa Pastor Evan Mawarire ve#This Flag Campaign kumatare sezvange zvakatarisirwa nemagweta avo.

VaMawarire vakasungwa neChitatu mushure mekudzoka munyika vachibva kuAmerica.

Kusaendeswa kwavo kumatare kunoreva kuti vacharara zvakare muchitokisi.

Pastor Mawarire vari kupomerwa mhosva yekuda kubvisa hurumende nechisimba, kukonzera mhirizhonga pamwe nekusvibisa mureza wenyika.

Magweta aVaMawarire, VaHarrison Nkomo naAdvocate Muzvare Fadzayi Mahere, vaswera zuva rese vari mushishi vachitaura nemapurisa kuti VaMawarire vaendeswe kudare asi hazvina zvazvabatsira.

Mutauriri we #This Flag Campaign, Muzvare Nyasha Musandu, vaudza Studio7 paHarare Central kuti VaMawarire, avo vakasungwa panhandare yendege yeHarare International, vange vakachengetedzwa nemapurisa ePolice Internal Security Intelligence kana kuti PISI.

Muzvare Musandu vati VaMawarire vari kufara chose uye vari kuda kupihwa mukana wekuti vamire pamberi pedare.

Hatina kukwanisa kutaura nemagwata avo sezvo nharembozha dzavo dzange dzichinetsa kubata.

VaMawarire vari kupomerwa mhosva yekutyora mutemo weCriminal Law, Condification and Reform Act vachinzi gore rapera vaishandisa madandemutande akaita seFacebook, WhatsApp nemamwe vachikurudzira veruzhinji kuti vapandukire hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo.

Vanonziwo vakaronga kuratidzra kwakaitika kuNew York kuAmerica uye vakakonzera kuti munyika muite kuratidzira kune mhirizhonga kubva muna Nyamavhuvhu gore rapfuura kusvika muna Ndira gore rino.

Imwe nyaya iri kupomerwa VaMawarire inyaya yekushandisa mureza wenyika zvisiri pamutemo apo vanonzi vaikurudzira vanhu kubvisa hurumende nechisimba.

Mapurisa anoti VaMawarire vaipfeka mureza pese pavaiita mabasa avo.

Zvichakadai, vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vashora kusungwa kwaVaMawarire vachiti hurumende iri kuda kunyaradza vanhu vane mafungiro akasiyana neayo.

MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai inoti hurumende inofanirwa kusiya VaMawarire sezvo vasina mhosva yavakapara.

Ukuwo muzinda weAmerica muHarare waburitsawo mashoko paFacebook uchishoropodza kusungwa kwaPastor Mawarire.

Muzvare Linda Masarira vaudzawo Studio7 kuti VaMawarire vanofanira kuburitswa muhusungwa uye vanofanira kuregwa vachitaura pfungwa dzavo sezvo vari chizvarwa cheZimbabwe chakafanana neavo vari kutonga.

Vati kusunga VaMawarire handizvo zvinganyayaradze vanhu vemuZimbabwe.

Munyori mukuru wesangano revadzidzi vezvikoro zvepamusoro, VaMakomborero Haruzivishe, vati vadzidzi vanotsigira VaMawarire uye vasvora kusungwa kwavo vachiti hurumende iri kuenderera mberi nekutyora kodzero dzevanhu.

Pastor Duduzile Nyirongo veimwe svondo yemuHarare ndemumwe wevazhinji vati VaMawarire vanofanira kuburitswa muhusungwa sezvo vasina mhosva yavapara.

Vamwe vakaita saVaTinashe Muzamindo vesangano reMentorship Insitute of National Development and Sustainabilty vanoti VaMawarire vanofanira kuita zvematongerwo enyika pachena.

VaMawarire vakambosungwa gore rapfuura vachipomerwa mhosva yekukonzeresa mhirizhonga asi mhosva iyi yakaraswa nematare.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:47 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG