Accessibility links

Breaking News

Mumwe Mutori weNhau Opinda muSarudzo dzeMutungamiri weNyika


Mutori wenhau anoshanda akazvimirira zvakare vachiitawo zvekutsikisa mimhanzi, VaTonderai Makaniwa, vanoti vari kukwikwidza sarudzo yemutungamiriri wenyika vakamirira bato ravo richangobva mukuumbwa reZimbabwe Word of Yaweh Expression, kana kuti Zimbabwe WOYE.

VaMakaniwa, avo vakamboshanda kuZimbabwe Broadcasting Corporation, Joy TV, Munhumutapa African Broacasting Corporation vanoti vakagara vachida kuita zvematongerwo enyika asi kuti hutongo hwevaive mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, hwekumbunyikidza vanopikisa ndihwo hwaiita kuti vasiyane nezvematongerwo enyika panguva iyoyo.

Vanoti kuenda kwaVaMugabe kwakavapa mukana wekutanga bato ravo reZimbabwe WOYE iro vati rinomirira vechidiki uye vati rinokurudzira mabasa evaimbi, vana nyanduri pamamwe nemabasa emitambo yemafirimu nezvimwe.

VaMakaniwa vaudza Studio 7 kuti bato ravo richakwikwidza sarudzo dzeparamende mumatunhu eBulawayo, Harare neManicaland uko rine nhengo dzakawanda pamwe nemukana wekukunda.

Patavabvunza kuti vakagadzirira here kuita izvi, VaMakaniwa vati vakagadzirira uye vatove nenhengo dzichamira Zimbabwe WOYE munzvimbo idzi.

Vati basa ravo harinei nekutungamira nyika.

VaMakaniwa vaudza Studio 7 kuti vakatozivisa kuti vanoda kupinda musarudzo kuZimbabwe Electoral Commission uye pari zvino vakatounganidza mari nazvose zvinodiwa nedare reZEC rinonyoresa vanoda kukwikwidza reNomination Court.

Bato raVaMakaniwa nderimwe remapato anodarika zana nemakumi mana akatarisirwa kukwikwidza musarudzo dzegore rino.

Zvichakdai, vechidiki mubato reNational People Party rinotungamiririrwa naAmai Joice Mujuru vanoti namangwana vachapaurura chirongwa che#Joice is My Choice, chinove chirongwa chekutsvagira mutungamiriri webato ravo rutsigiro.

Vanoona nezvekurongwa kwemisangano mubazi revechidiki muNPP, VaIan Hamandishe, vaudza Studio7 kuti chirongwa ichi chichaparurwa naAmai Mujuru kuBorrowdale.

Zimbabwe ichaita sarudzo yemutungamiriri wenyika, dzeparamende nemakanzuru mukati memwedzi mishona inotevera.

VeZEC vakatozivisa kuti vakanyoresa kuvhota vanofanira kunongorora kuti mazita avo ari mugwaro revavhoti here kutanga musi wa19 kusvika musi wa 29 mwedzi uno.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG