Gurukota rinoona nezvehutano Dr David Parirenyatwa vari kukurudzira vanamukoti vari kuramwa mabasa kuti vadzokere kumabasa zvichemo zvavo zvichigadziriswa.
Mumashoko kuvatori venhau VaParirenyatwa vanoti zvichemo zvinavanamukoti ava vano zvitambira uye kutenda kuti zvinoda kugadziriswa. Vanotiwo vari kutaura nebazi rezvehupfumi kuti rione kuti ringape vanamukoti ava mari here.
Vanamukoti vakatanga kuramwa mabasa nezuro vachiti hurumende yakundikana kugadzirisa zvichemo zvavo kubva muna 2010 zvinosanganisa mari yemihoro, kushaikwa kwemishonga muzvipatara uye zvimwe zvikwanisiro.
Kuramwa mabasa uku kuri kuuya apo chirwere checholera chiri kuramba chichipararira muHarare nemuChitungwiza. Vanhu vanosvika makumi maviri nevana vabatwa nechirwere ichi kusvika parizvino.
Facebook Forum