Accessibility links

Breaking News

Vakarwa Hondo Vanoti Hurombo Hwovatadzisa Kukwikwidza Musarudzo Zvakasimba


VaDouglas Mahiya.
VaDouglas Mahiya.

Mutauriri wesangano reZimbabwe National Liberation War Veterans Association VaDouglas Mahiya vanoti kunyangwe hazvo vakanzi vapinde musarudzo dzemaprimary zviri kunetsa nekuti havana mari dzekuti vatsvage rutsigiro.

Bato reZanu-PF rakazivisa kuti vose vakarwa hondo yerusununguko vakasungunuka kupinda musarudzo pasin zvirehwa rehwa zvakawanda.

Vamwe vari kurambidzwa vachinzi havana makore akawanda vari mubato iri. Asi kunyangwe vakarwa hondo ava vari kupinda musarudzo, VaMahiya vanoti havasi kukwanisa kunyanyogona kuti vakwikwidzane nevamwe vane mari.

Vati dai zvaibvira vakarwa honfo vaingoregedzwa vachipinda musarudzo dzenyika sezvo vakasungunura nyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG