Accessibility links

Breaking News

Vanhu Vakawanda muZimbabwe Vorwara neZvirwere zvePfungwa


Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvepfungwa dzinoti huwandu hwevanhu vanorwara nepfungwa huri kuramba huchikura munyika.

Mukuru weZimbabwe National Association for Mental Health, VaIgnatius Murambidzi vanoti kuoma kwehupenyu nekushandiswa kwezvinodhaka zvakanyanya ndezvimwe zvezviri kukonzera kukwira kwehuwandu hwevanhu vane chirwere ichi.

VaMurambidzi vakurudzira hurumende kuti igadzirise mamiriro ehupfumi hwenyika kuderedza dambudziko rezvirwere zvepfungwa.

VaMurambidzi vachema-chemawo nekushomeka kwana chiremba vane hunyanzvi hwekurapa chirwere ichi.

Mumwe wevanachiremba vane hunyanzvi mukurapa chirwere ichi, VaNemache Mavedzenge vatsigirawo vakati kutambura kuri kuita vanhu munyika nekushandisa zvinodhaka zvakanyanya kuri kukwidza huwandu hwevarwere vepfungwa.

VaMavedzenge vatiwo mishonga yakawanda inoshandiswa nevane dambudziko rechirwere chepfungwa inotengwa kunze kwenyika uye haiwanikwi zvakanyanya kuzvipatara zvehurumende kwainofanirwa kuwanikwa nemitengo yakadzikira izvi zvinowedzera kukura kwedambudziko iri.

VaMavedzenge vanotiwo zvimwe zvizviratidzo zvechirwere ichi kuchinja kwemaitiro emunhu achiita zvisingatarisirwi pamwe nekunzwa manzwi asipo.

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvehutano kuti vanhu vanorwara nepfungwa munyika vakawanda zvakadii.

Asiwo vamwe vevakuru vemachechi vataurwa navo neStudio 7 vatsinhira kuti kushaikwa kwemabasa kuri kukonzera kunetsekana kweveruzhinji izvo zvinozoita kuti vafunge zvakanyanya kuti vobatanidza sei hupenyu.

Zimbabwe ine zvipatara zvina zvinorapa varwere vepfungwa zvinoti Harare Psychiatric Hospital, Parirenyatwa Annexe, Ingutsheni, neNgomahuru. Sangano reWorld Health Organization gore rapera rakati vanhu vanosvika miriyoni nezviuru mazana matatu muZimbabwe vane chirwere chepfungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG