Accessibility links

Breaking News

Amai Mugabe Votambiswa Chamutava Nhava neMakorokoza


Amai Grace Mugabe
Amai Grace Mugabe

Vanhu vari kuchera goridhe papurazi revaimbove mutungamiriri wenyika VaRobert Mugabe reSmithfield kuMazowe vanoti havasi kuzobva papurazi iri sezvo vari kuita basa ravo sezvinodiwa nemutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa avo vanoti vanhu vakasununguka kuita mabhizimisi avanoda munyika.

Vanoti havabvumirane nemudzimai waVaMugabe, Amai Grace Mugabe, avo vari kuda kuti vabve papurazi iri vachiti vari kuchera goridhe zviri kunze kwemutemo.

Vari kukorokoza va vakabva kumativi mana enyika, vaudza Studio 7 kuti vane magwaro avakapihwa nebazi rezvemigodhi kare Amai Mugabe vasati vatomboroorwa naVaMugabe.

VaChamunorwa Kanengoni avo vanove nhengo yebato reZanu PF vachibva kuMbare kuHarare, vanoti vakauya papurazi iri nguva pfupi yapfuura uye vari kuita zvinodiwa nebato ravo zvekuti vanhu vatange mabhizimisi.

Vanoti vave kukanganiswa basa ravo naAmai Mugabe avo vari kuvadzinga papurazi iri.

VaWestmore Kanengoni ndemumwe waavo vati havasi kuzobvawo papurazi reSmithfield.

Vabvuma kuti vakambobva papurazi iri apo rakatorwa naVaMugabe uye vakadzoka zvekare apo pakapinda VaMnangagwa pachigaro.

VaMusa Deka vaudzawo Studio7 kuti manyepo ari kutaurwa naAmai Mugabe ekuti vakapinda papurazi iri nechisimba vachiti ivo vari kuzviitira basa ravo rekuchera goridhe uye havasi kukanganisa basa raVaMugabe papurazi iri.

Vanotiwo hapana kwavari kuzoenda. Asi kunyange hazvo vari kuti hapana zvavari kukanganisa, Studio 7 yaona makomba makomba mumimba yemaOrange uye mimwe miti iri kutotemwa.

Gweta rekambani yaVaMugabe naAmai Mugabe yeGunshungo Holdings, VaVunganai Walter Chivore, rinoti vanhu ava vari papurazi iri zviri kunze kwemutemo uye vanofanira kubva.

Vanoti kunyange vamwe vevanhu ava vachitungamirwa naVaShepard Nyazvigo vakaenda kudare reHigh Court vakapihwa mutongo kana kuti Provisional Order yekuti varambe vachichera goridhe papuraizi iri muna Ndira gore rino, Gushungo Holdings yakapikisa mutongo uyu ichiti yainge isina kupihwa mukana wekupa divi rayo panyaya iyi.

Vatiwo musi wa26 Kurume Provisional Order yakange papihwa nedare yakazobviswa uye havasi kuziva kuti sei vanhu ava vachiri papurazi reSmithfield.

Vanhu vari papurazi iri vaudza Studio 7 kuti mapurisa ari ari kukanganisa basa ravo sezvo ari kuuya achiti vanofanira kubva.

Vanoziva nezvenyaya iyi vanoti vanhu ava vatemesa mhuri yaVaMugabe musoro zvekuti mhuri yakatuma Baba Fidelis Mukonori vesvondo yeRoma kuti vanotaura naVaMnangagwa avo vanonzi vakavimbisa VaMukonori kuti mapurisa achadzinga vanhu ava papurazi reSmithfiled.

Baba Mukonori vanonzi vakasangana naVaMnangagwa vasati vaenda kuChina svondo rapfuura.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG