Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yotanga Gadziriro yemaPrimary Elections


VaEmmerson Mnangagwa

Munyori anoona nezvemutemo muZanu-PF, VaMunyaradzi Paul Mangwana, vanoti gadziriro dzesarudzo dzekutsvaga vachamirira bato musarudzo, kana kuti primary elections, dziri kufamba zvakanaka, uye vanotarisira kuti sarudzo idzi dzingangoitwa kutanga kwemwedzi unouya.

Zanu-PF rwendo rwuno yakadzika mitemo iri kunzi nevamwe yakaoma ichateverwa musarudzo idzi, inosanganisira wekuti vachakwikwidza vanofanirwa kutsvaga rutsigiro vari pamwechete.

Asi VaMangwana vanoti vakatora danho iri nekuti kana muri vana vemusangano mose, hamufanire kutyanana.

Vanoti iri ibhora remumba, nekudaro vana vanyamunhu vose vanofanirwa kudzidza kufamba pamwechete, kana dai vamwe vakakundwa musarudzo, vanofanirwawo zvakare kubatsira vakunda kutsvaga rutsigiro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG