Accessibility links

Breaking News

Amai Mguni Voramba Kuti VaChamisa Vangavadzinge Kuva Nhengo yeDare reParamende


Khupe Chamisa

Nhengo yeMDC inomirira Bulawayo Metropolitan muparamende, Amai Nomvula Mguni, vanoti havana kudzingwa nechikwata chemdc inotungamirwa naVaNelson Chamisa.

Amai Mguni vanoti pavakabuda pachena kuti vari kumira nechikwata cheMDC inotungamirwa naMuzvare Thokozani Khupe, zvaireva kuti hukama hwavo nechikwata cheMDC chinotsigira MDC Alliance hwainge hwasvika kwamvura yacheka makumbo.

Mashoko aAmai Mguni anotevera mashoko aburitswa neNewsday ekuti chikwata chaVaChamisa chainge chadzinga Amai Mguni naMuzvare Thamani Moyo sezvo vakabuda pachena kuti vari kutsigira Muzvare Khupe.

Izvi zvatsinhirwa nevakafanobata chigaro chemutauriri weMDC-T, Muzvare Tabitha Khumalo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG