WASHINGTON —
Kubva zvatanga zororo reEaster kusvika nemusi weMuvhuro, vanhu vanosvika makumi mana nevaviri vakafa mutsaona dzemumigwagwa vamwe mazana maviri nemakumi mana nevatanhatu vakakuvara.
Mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Paul Nyathi, vaudza Studio 7 kuti kusvika nezuro pane tsaona mazana matatu nemakumi matatu nesere vachiti makumi maviri neshanu dzacho ndidzo dzakauraya vanhu.
Vanhu vafa gore rino panguva imwe chete vakawanda kudarika vakafa gore rapera.