Accessibility links

Breaking News

Quantam Global Reseach Inoti Mitemo yeZiimbabwe Yokanganisa Hurongwa hweKukwezva veMabhizimisi veKunze


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Ongororo yakaitwa nesangano reQuantam Global Research Lab iro rinoongorora mamiriro akaita zvinhu munyika dzemuAfrica panyaya yekukwezva vekunze vanoda kuzotanga mabhizimisi munyika iri kuratidza kuti Zimbabwe ichiri kutatarika kuti ikwanise kukwezva vekunze ava.

Muzvinafundo Mthuli Ncube chizvarwa cheZimbabwe ndivo chipangamazano sangano reQuantum Global Research Lab iri.

Izvi zvakabuda muongororo inonzi Africa Investment Index 2018. Nyika dzinonzi dziri kuita zvinounza budiro dzinosanganisa Morocco, Egypt, Algeria, Botswana neCote d’ivore, South Africa, Ethiopia, Zambia, Kenya neSenegal.

Zimbabwe iri pachidanho chechimakumi mana nemashanu panyika makumi mashanu neina dzemuAfrica dziri kutatarika kukwezva vekunze. Dzimwe nyika dzisiri kuita zviri nani dzakafanana neZimbabwe dzinosanganisa Central African Republic, Liberia, Somalia, Eritrea, Equatorial Guinea, Gambia, Sierra Leone, Guinea uye Sao Tome and Principe.

Ongororo iyi yakaburitswa kumucheto wemusangano wevakuru wemabhizimisi wakaendwa masvondo apfuura nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Global Quantum yakambobatsirawo VaMnangagwa kusangana nevamwe vakuru vemabhizimisi kubva kuSwitzerland kumucheto wemusangano wekuDavos muna Ndira.

Vanoongorora nyaya dzezvehupfumi, VaMasimba Kuchera vanoti Zimbabwe inofanira kuvandudza mitemo yayo kuti ikwezve vekunze.

Hurukuro naVaMasimba Kuchera
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG