Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voshanyira China Vamwe Vachiti Vachafambira Dhongi Rakaora, Vamwe Vachiti Vanouya neChouviri


VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vasvika muChina nhasi murwendo rwavo rwekutanga kushanyira nyika isiri yemuAfrica mushure mekukokkwa zviri pamutemo kana kuti “state visit.”

Vachitaura nenhepfenyuro yekuChina yeXinhua vasati vasimuka, VaMnangagwa vakati vanoda kuyedza kukwezva vemabhizimisi vekuChina uye kutenda nyika iyi nekumira neZimbabwe munguva yose apo yakatemerwa zvirango nenyika dzekumawirira.

Vekunze ava vanoti vakatemera vakuru vehurumende zvirango nekutonga nedemo, asi vakuru vehurumende ava vanoti izvi zvakaitwa nenyaya yekutora minda kubva kuvachena vachipa vatema.

Mutungamiri wenyika yeChina vaXi Zhingping vakapedzisira kushanyira Zimbabwe muna 2015 vaimbova mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vachiri kutungamira nyika.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika vari nhengo yeZanu-PF inomirira Makonde mudare reparamende VaKindness Paradza vanoti vanotarisira kuti VaMnangagwa vachanyorerana zvibvumirano zvakawanda neChina.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition VaJoy Mabenge vanoti VaMnangwagwa vangwarire kufambira dhongi rakora.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG