Accessibility links

Breaking News

Dare reSenate muAmerica Rozeya Kuvandudzwa kweZvirango Zvakatemerwa Vamwe Vakuru veHurumende yeZimbabwe


Senator Jeff Flake (R-AZ)
Senator Jeff Flake (R-AZ)

Masenator maviri emuAmerica VaChris Coons vekuDelaware vari vebato remaDemocrats naVaJeff Flake vebato rekuArizona vari nhengo yemaRepublicans vakaparura bhiri rakanangana nekuvandudza mutemo wezvirango zvakatemerwa vamwe vakuru muhurumende yenyika weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act.

VaCoons vanoti, "Mushure memakore makumi matatu nemasere pasi pehutongo hwehudzvinyiriri hwaVaRobertb Mugabe, vanhu veZimbabwe vanofanira kufara kuti remangwana ravo rinogona kunge rakajeka."

Vanotiwo, "Mukuda kuona kuti zvinhu zvachinja muZimbabwe, zvakakosha kuti zvirango zvibviswe chete kana zvinhu zvavandudzwa munyika. Bhiri iri rakanangana nekubuditsa pachena zvinofanira kuitwa naVaMnangagwa kuti Zimbabwe ibvisirwe zvirango."

VaFlake vanotiwo, "VaMnangagwa vakataura kuti vanoda kuti Zimbabwe itore rimwe gwara. Asi mashoko aya anofanira kuzadzikiswa." Vanoenderera mberi vachiti, "Zvatiri kutaura izvi zvikadzadzikiswa zvinoratidza pachena kuti VaMnangagwa vakazvipira kuunza shanduko munyika yeZimbabwe ine vanhu vatambura kwenguva yakareba nehudzvanyiriri."

Mutemo uyu wakadzikwa muna 2001 nenyaya yekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika. Asi vakuru vehurumende vanoti zvirango zvakatemerwa nenyaya yekuti vakatora minda kubva kuvachena vachipa vatema.

Mutungamiri wenyika VaDonald Trump vakatowedzera nerimwe gore zvirango zvkatemerwa vakuru ava kusanganisa mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa.

Kuti vakuru venyika ava vabvisirwe zvirango izvi, vari kukurudzirwa kuti vaite sarudzo dzakachena, kutsvaga vanhu vakatsakatika vakaita saVaItai Dzamara, VaPatrick Nabanyama uye VaPaul Chizuze, kuremekedza vanenge vaine minda kana mabhizmisi munyika uye matare eSADC.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Dr Chipo Dendere vanoti zviri kuda kunzi zviitwe neAmerica ndezvimwe zvagara zvichikumbirwawo nevana veZimbabwe kuti hurumende iremekedze kodzero dzavo nekusatonga nedemo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG