Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yotyosidzira VanaChiremba Vari Kuramwa Mabasa Avo Vanotiwo Havasi Kuzotirimuka


Mushure mekukundikana kugadzirisa matambudziko akatarisana navanachiremba avo vari kuramwa mabasa, hurumende inonzi yave kuvavundutsira kuti vadzokere kumabasa.

Hurumende inonzi iri kuvanyima mari dzemihoro panguva asi vanachiremba varamba vakastika madziro vachiti vachadzokera kubasa chete kana zvichemo zvavo zvagadziriswa.

Mumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi uye gurukota rezvehutano Dr David Parirenyatwa avo vakasangana navanachiremba neMuvhuro vanoti vanofanira kudzokera kumabasa zvichemo zvavo zvichitariswa.

Asi parizvino hurumende yati yawedzera nezvikamu makumi mashanu kubva muzana mari dzavanachiremba dzisiri dzemihoro kana kuti maon call allowances nezvimwe kutanga musi wa 1 Kubvumbi.

Mutungamiri wesangano ravanachiremba reZimbabwe Hospital Doctors Association VaMxolisi Ngwenya vanoti vanodzokera kumabasa kana zvichemo zvagadziriswa.

Zvichakadaro, sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu eZimbabwe Lawyers for Human Rights kana kuti ZLHR anoti hurumende inofanira kugadzirisa nyaya yekuramwa navanachiremba nechimbi chimbi.

Sangano rati kukundikana kwehurumende kugadzirisa nyaya iyi kuri kutyora kodzero dzevarwere dziri mubumbiro remutemo. ZLHR rinoti zvichemo zvavanachiremba zvave nemakore zvisina kugadziriswa.

Ratiwo varombo vasingakwanise kuenda kuzvipatara zvisiri zvehurumende ndivo vari kunyanya kutambudzwa nekuramwa mabasa uku.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG