Accessibility links

Breaking News

Vakuru veARDA Voramba Kupa Paramende Magwaro Akakosha eMashandiro Avo


Mukuru wekambani yehurumende, yeAgriculture and Rural Development Authority (ARDA), VaWillard Mbona nasachigaro wekambani iyi, VaBasil Nyabadza, nemusi weMuvhuro vakatsamwisa nhengo dzeparamende apo vakaramba kupa komiti iyi magwaro anoratidza zvisungo zvakaitwa nekambani iyi nemamwe makambani aiyiri kushanda nawo.

Sachigaro wekomiti inoona nezvekurima, VaJustice Mayor Wadyajena, vakazivisa kuti vaviri ava vachasungwa nemutemo weparamende kana vakaenderera mberi vachiramba nemagwaro aya.

VaMbona naVaNyabadza vakavimbisa komiti inoona nezvekurima kuti vachaipa magwaro aya asi neMuvhuro asi vazoti havakwanisi vachiti haafaniri kuonekwa neveruzhinji uye mamwe makambani avari kushanda nawo anogona kutemerwa zvirango zvehupfumi kana akazikamwa kuti ari kushanda nehurumende yeZimbabwe.

Nhengo dzese dzekomiti inoona nezvekurima hadzina kufara nekuita kwevaviri ava. Imwe nhengo yekomiti iyi, Amai Josephine Chitembwe veMDC T, vati zviri pachena kuti vakuru vakuru veARDA vari kuzvidza dare.

VaRabosn VaMavhenyegwa veZanu PF vakaudza VaMbona naVaNyabadza kuti hapana chino shamisira paARDA uye vanofanira kuunza magwaro ese ari kudiwa nekomiti yavo sezvinongoita mamwe makambani ehurumende.

VaTafanana Zhou veZanu PF vatiwo vakuru vakuru veARDA vachiri kurarama muhurumende yakare uye vanofanira kushandura maitiro.

VaTongesayi Mudambo vayambira VaMbona kuti vanofanira kuita zvinodiwa neparamende kana vachiri kuda basa kuARDA.

Dzimwe nenhengo dzekomiti iyi dzati kuramba nemagwaro kuri kuita vakuru vakuru veARDA kunoratidza kuti pane zvakaipa zvavari kuvanza.

Kambani yeARDA iri kuita zvirongwa zvakawanda zvekurima zvakaita seCommand Agriculture uye inoshanda nemakambani akawanda emuno neekunze.

ARDA ine zvibvumirano zvayakaita zvisina kufadza veruzhinji zvakaita yechibvumirana chayakaita nekambani yeGreen Fuels kuChimanimani uko kwakabviswa vanhu vakawanda panzvimbo dzavaigara.

Paramende iri kuongorora zvibvumirano izvi nechinangwwa chekuona kuti pane zviri kuwana hurumende here kana kuti kwete. VeARDA vanotarisirwa kumira pamberi pekomiti iyi zvekare nemusi weChipiri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG