Accessibility links

Breaking News

VaChivhayo Vooneswa Ndondo neNyaya yeHuori muDare reParamende


VaWicknell Chivhayo
VaWicknell Chivhayo

Muzvinabhizimisi, Wicknell Chivhayo, nemusi weMuvhuro vakabvuma mudare reparamende kuti vakashandisa vezvematongerwo enyika pamwe nevakuru vakuru vehurumende kuti kambani yavo yeIntratrek iwanane basa rekuumba gwenya remagetsi ezuva reGwanda Solar Project kunyange hazvo vange vasingakodzeri.

Vachipa humbowo kukomiti yeparamende inoona nezvemighodhi nezvemhando dzemoto kuti kambani yavo yeIntratrek yakawana sei basa rekuvaka gwenya remagetsi reGwanda Solar Project, VaChivhayo vabvuma kuti pakutanga kambani yavo yakatadza kuwana basa iri uye rakapihwa kune imwe kambani yekuChina.

Vati izvi zvaitika, vakaenda kune vaiva gurukota rezvemando dzemoto, VaDzikamai Mavhaire, vakandotsutsumwa kuti sei vainge vashaya basa iri ivo vari ivo vainge vauuya nepfungwa yekuvaka gwenya iyi.

Vatiwo vakanyorera kumunyori wedare remakurukota, Chief Secretary to the President and Cabinet pamwe nasachigaro weState Procurement Board vachichema chema nenyaya yavo yekushaya basa iri.

Vati izvi zvakazoita kuti veState Procurement board vape kambani yavo pamwe nedzimwe mbiri basa rekuvaka magwenya emagatsi kunzvimbo nhatu munyika uye ivo vakapihwa basa rekuGwanda.

Vati mushure maizvozvo vakatanga kuita basa rekutanga kana kuti Feasibility Study asi kambani yemagetsi yeZimbabwe Power Company yakaramba kuvabhadhara mamiriyoni maviri emadhora avaida sezvo vaive vasina magwaro ekubhanga airatidza kuti ivo vaivewo nemari mubhanga mavo.

Pavabvunzwa nemumiriri weKwekwe Central VaMasangano Matambanadzo kuti sei vaida kubhadharwa asi vasina kutevedza mutemo, VaChivhaya vati mari yaidiwa yange yakawandisa.

VaChivhayo vati mushure mekuramba kubhadharwa nemukuru weZPC, Vakabva vadzokera zvakare kune vange vave gurukota rezvemhando dzemoto, VaSamuel Undenge, kundochema chema zvakare izvo zvakazoita kuti ZPC ivabhadhare mari inosvika mamiriyoni mabiri nechuru zana chemadhora kana kuti 2, 1 million dollars.

Mumiriri weGlen View North, VaFani Munengami vati semaonero avo maitiro aVaChivhayo anoratidza kuti vaiita zvinhu vasingatevedzi gwara uye vanenge vaiita zvehuwori.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG