Gurukota rezvedzidzo yePrimary neSecondary Muzvinafundo Larry Mavhima vaburitsa mashoko ekuti bvunzo dzechirungu dzebepa rechipiri kana kuti English Language O Level Paper 2 dzakanyorwa muna Mbudzi gore rapera dzinofanira kudzokororwa.
Izvi zvinotevera ongororo yakaitwa nehurumende inoratidza kuti bvunzo idzi dzakabiridzirwa nevamwe. Vana vose vainge vari muForm 4 vanonzi vadzokorore kunyora bvunzo musi wa 16 Kukadzi kubva nenguva dza 10 mangwanani kusvika na12.
Vatiwo zvakabuda musarudzo idzi zvinofanira kumbomiswa kuti nyaya iyi itange yagadziriswa. Vana vechikoro vose vari kusungirwa kuti vaende kuzvikoro zvavo kunonyora bvunzo idzi.
Mutungamiri wesangano reProgressive Teachers Union of Zimbabwe Doctor Takavafira Zhou vashora zvikuru nyaya yekudzokorora bvunzo vachiti zvinoratidza kuti ZIMSEC haina kurongeka.
Facebook Forum