Accessibility links

Breaking News

Amai Mujuru Vanoti Nyaya yeHutungamiri neZita reBato Ichakasunga Kushanda naVaTsvangirai


MDC-T leader Morgan Tsvangirai and his wife Elizaberth, Zimbabwe People First leader Joice Mujuru, ZimFirst's Didymus Mutasa, Nelson Chamisa of MDC-T

Mutungamiri webato rinopikisa reNational People’s Party uye vaimbova mutevedzeri wemutungamiri wenyika Amai Joice Mujuru vanoti pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa kuti vakwanise kushanda nemumubatanidzwa neMDC Alliance unotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Amai Mujuru vari kutungamirawo mubatanidzwa wemapato anovatsigira unonzi People’s Rainbow Coalition.

Sarudzo dzave kutarisirwa kuitwa gore rino muine mapato anodarika makumi manomwe nemashanu ari kukwikwidzana neZanu-PF musarudzo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti mapato anopikisa akasabatana anogona kukundwa neZanu-PF.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG