Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Votambirwa neVatungamiri Vakawanda Pasi Rose


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

VaEmmerson Mnangagwa avo vakabatsirwa nemauto kupinda pachigaro, vari kutambirwa pasi rese uye parizvino vari kuDavos kumusangano weWorld Econonic Forum uko vari kusangana nevamiriri vedzimwe neyika vevemabhizimisi.

Vachibva ikoko vari kunanga kuAddis Ababa kuEthopia kumusangano weAfrican Union. Nyanzvi nevanoongorora zvematongerwo enyika, vanoti kunyange hazvo mauto akave nechekuita nekupinda kwavo pachigaro, VaMnangawa havasi kuita dambudziko nekuti pasi rese range raneta nehutongo hwaVaRobert Mugabe.

Vanoti pamisangano yakaita sewe kuDavos, AU nemimwe, VaMugabe vashandisa misangano yakaita saiyoyi kunyomba nekutukirira nyika dzaivainge vasinga pindirane nadzo.

Asi VaMnangagwa vari kukoka vatungamiriri wepasi rese nevamabhizimisi kuti vadzoke zvakare kuzoshanda neZimbabwe. VaTjenesani Ntungakwa vesangano ve sangano reRevolutionary Research Institute of Zimbabwe vaudza Studio 7 kuti zvinonetsa kunani nane kushora zvakaitika muZimbabwe pakazopinda VaMnangagwa.

Vati nyika dzemuAfrica nepasi rese dziri kuta, bira VaMnangagwa nekuti dziri kuda kunzwa hurongwa hwavo hwekuti vachafambisa sei munyika yakatongwa naVaMugabe kwemakore makumi matau nemanomwe apfuura.

Mupepeti webepanhau re the Observer zvakare vari nhengo yeZimbabwe Editors From, VaBarnabas Thondhlana, vanoti AU iri kusandura maitiro ayo uye havawoni kuti pane achange achidemba kuti VaMugabe varipi pamusangano wayo wechimakumi matatu uyo wakatanga nemusi wemuvhuro.

VaNtungakwa vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo VaMugabe vachine shamwari muAfrica, havana shamwari dzavo dzichitaura nezvavo pamusangano weAU.

Mutungamiriri weDemocratic Party, Dr Wurayayi Zembe, vaudza Studio 7 kuti hapana chingaite kuti VaMnangagwa vasambirwe sezvo vapinda basa zviri pamutemo. Vati pamusangano wayo AU inofanira kutambira mutungamiriri mutsva weZimbabwe yosiyana nezvaVaMugabe.

Vatungamiriri vemuAfrica vanodarika makumi mana vachapinda mumusangano weAU uoy unodingindira rekuti “Winning the Fight Against Corruption: A Sustainable Path to Africa’s Transformation.”

Mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi vaudza Studio 7 kuti ndingindira iri rinoenderana nezviri kuitwa nehurumende yaVaMnangagwa.

Pavakagadzwa muna Mbudzi gore rapfuura, VaMnangagwa, vakaita chitsidzo chekuti vacharwisana nehurowi kudzamara hwapera munyika. Musangano weAU uyu ndowekutanga uchaiktwa VaMugabe vasipo mushure mekumanikidzwa kusiya basa nemauto musi wa21 Mbudzi gore rapfuura.

Nyika dzekuEurope dzakazivisa neChipiri kuti dzakazvipira kubvisa zvirango paZimbabwe pamwe nekushanda nehurumende yaVaMnangagwa ndokunge yaita sarudzo dzakachena uye kuremekedza kodzero dzevanhu.

Nyaya Ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG