WASHINGTON —
Munyori mukuru mudare remakurukota Doctor Misheck Sibanda vaburitsa gwaro rinokurudzira makurukota ehurumende, vatevedzeri vavo, uye vamwe vakuru muhurumende vanofanira kuzivisa kuti vane hupfumi hwakaita sei.
Izvi zvinowanzoitwa kudziviririra nyaya dzehuori. Zvinhu zvagara zvichitaurwa zvakanyaya nemapato anopikisa maererrano nezvanoda kuti zviitwe nehutungamiriri hwenyika.
Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vanoti muromo hauzarirwe nerwizi nekudaro mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanofanira kunyatsorwisa huori kwete kungotaura nekusunga vanhu vavasingawirirane navo.
Facebook Forum