Accessibility links

Breaking News

General Chiwenga Votungamira Komiti Yekuongorora Kukwira kweMitengo


Retired General Constantino Chiwenga

Politburo yeZanu-PF nemusi weChitatu yakaita musangano ikaumba komiti ichatungamirwa nemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika Retired General Constantino Chiwenga kuti iongororore kuti chii chiri kukonzera kuti mitengo yezvinhu irambe ichiita chamurambamhuru kukwira.

Vachitaura pakapera musangano uyu, mutauriri weZanu-PF VaSimon Khaya Moyo vakaudza vatori venhau kuti pane vamwe vemabhizimisi vave kuda kukonzera kusagadzikana munyika nekudhurisa zvinhu.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe Doctor Prosper Chitambara vanoti hurumende inofanira kuita mubatira pamwe nevamwe kuti igadzirise dambudziko iri.

Vati hurumende inofanira kutaura nevemabhizimisi nevanopikisa nekuti iyo yega haingakwanise kugadzirisa zvinhu zviri kunetsa munyaya dzezvehupfumi.

Hurukuro naDoctor Prosper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG