Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votambira Kuiswa Runyoro kweMutemo weKuregererana naVaMnangagwa


VaEmmerson Mnangagwa
VaEmmerson Mnangagwa

Nhengo dzeNational Peace and Reconciliation Commission nemasangano anorwira kodzero dzevanhu atambira nemufaro mutemo mutsva une chekuita nerunyararo nekuregererana weNational Peace and Reconciliation Act uyo wakaiswa zviri pamutemo musi weChishanu chadarika.

Komishini yeNational Peace and Reconciliation ine chiga chekuongorora mhirizhonga dzakaitika munyika nekutsvaga nzira dzekuyananisa vakabatwa nemhirizhonga yacho.

Imwe nhengo yekomishini yeNPRC Amai Netty Musanhu vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo pave nemutemo vatiwo chakakosha kuwaniswa kwemari kukomishini iyi kuti vakwanise kubata basa nemazvo.

Vakafanobata chigaro chemutungamiriri wekomishini yeNPRC, Amai Lilian Chigwedere vati komishini yavo ichabata basa ravo zvichienderana nezvido zvevanhu. Amai Chigwedere vati vachanzwa kuvana veZimbabwe kuti vachada kuti komisheni iyi ine basa rekuongorora mhirizhonga dzakaitika munyika itangire panguva ipi.

Vanotungamirira Zimbabwe Peace Project, sangano rinoongorora zvemhirizhonga rakazvimiririra Muzvare Jestina Mukoko vaudza Studio 7 kuti kunyangwe zvazvo pave nemutemo wekugadzirisa nyaya dzimhirizhonga dzakaitika vati mutemo wakaiswa uyu hausi kukoshesa vakatyorerwa kodzero asi vakati vane tarisiro yekuti komisheni yeNPRC ichagadzirisa dambudziko iri.

Muzvare Mukoko vatsigirawo kuti zvakakosha kuti komisheni iyi iwaniswe mari yakakwakwana zvinogona kuunza runyararo munyika.

Komisheni yeNPRC ndoyega komishini yakazvimirira mubumbiro remutemo yakapihwa makore ekushanda.

Bumbiro remutemo rinoti komisheni iyi inofanirwa kushanda kwemakore gumi kubva pakatambirwa bumbiro remutemo idzva muna2013.

Nhengo dzekomisheni iyi dzinotiwo dzichaita musangano nemutevedzeri wemutungamiriri wenyika VaKembo Mohadi kuti vanzwisise kuti zvii zvichaitwa nemakore ayo komisheni iyi yakarasikirwa nawo vasati vatanga kushanda sezvo panga pasina mutemo.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG