Nhaurirano pakati pehurumende nevemabhizimi panyaya yekuwedzera mari yekubatsirikana kune vanotengesa kunze kunze kana kuti "export incentive" yasvika padanho repamusoro soro.
Asi munyika hamuna kuwirirana kuti izvi zvinoshanda here sezvo dambudziko rekushomeka kwemari yekunze riri kuramba richikomba.
Nyaya yekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika yapawo kuti gurukota rinoona nezvemaindastiri, VaMike Bimha, vazivise neChipiri kuti hurumende ichange ichiongorora kuti mitengo haisi kuzowedzerwa pazvinhu zvakaita semafuta ekubikisa, chingwa, gorosi, tsvigiri, huku, nyama, mukaka, sipo mafuta ekufambisa nezvimwe.
Mukuru weConfederation of Zimbabwe Industries, VaSifelani Jabangwe, vatenda kuti vemakambani vatotanga kuendesa magwaro kuhurumende kuti vapihwe mari yekubatsirikana iyi.
VaJabangwe vati semaonero avo mari inopihwa vemabhizimisii nehurumende inobatsira zvikuru uye zvinoitwawo kune dzimwe nyika.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, VaCallisto Jokonya, vatiwo zvakanaka kuti vemabhizimisi vapihwe mari dzekubatsirikana asi pane zvakawanda zvinoda kuitwa kugadzirisa hupfumi hwenyika zvakafanana nemitemo yemabhizimisi.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi ichitungamira sangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanotenderana nemaonero aya vachiti Zimbabwe haidi kuti inyatsotsvaga chinenge chapa kuti musoro uteme.
Doctor Kanyenze vati hapanawo kujeka kuti mari yakambopihwa vemabhizimisi ava zvakaparurwa chirongwa ichi yabatsira here.
Vatiwo mari idzi dzinopawo kuti chikwereti chenyika chiwedzere zvakanyanya.
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe richishanda nebazi reExchange Control ndiro riri kushanda nevemakambani ava pachirongwa chekuti mari dzekubatsirikana dziwedzerwe.
RBZ inoti mari idzi dzinogona kusvika pazvikamu gumi nezviviri kusvika pazvikamu gumi nezvinomwe kubva muzana.
Chirongwa chekupa mari yekubatsirikana ichi chakaparurwa gore rapera.
Facebook Forum