Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vatoresa mhiko nhengo dzemakurukota ehurumende dzavakadoma nemusi weMuvhuro apo vakavandudza dare remakurukota.
Mumwe akatora mhiko igurukota idzva rinoona nezvemari, VaIgnatius Chombo, avo vaive gurukota rinoona nezvekuchengetedzwa kwemukati menyika.
Asi kubazi rezvemari kwavaenda, VaChombo vari kusvikopinda mukanwa mamupere sezvo mamiriro ezvehupfumi asina kumira zvakanaka pari zvino.
Ko VaChombo avo vakaita zvidzidzo zvakanangana nedzidzo vangakwanise here kumutsiridza hupfumi?
Nhengo yeZanu-PF inomiririra Harare East mudare reparamende, VaTerrence Mukupe, vanoti VaChombo vanoda kupihwa nguva kwete kuponderwa musaga.
Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Free State kuSouth Africa, VaCalvin Mdzingiri, vanoti kuti bazi iri rishande zvinoda kuti hurumende idhonzere divi rimwe chete.
Ko vamwe vaimbovawo makurukota ezvemari vanoona sei kudomwa kwaVaChombo uku?
Doctor Simba Makoni vanoti hapana chazvinobatsira nekuti hurumende haina kuzvipira kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.
Vaimbovawo gurukota rezvehupfumi muhurumende yemubatanidzwa uye vari mutungamiri webato rinopikisa rePeople’es Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti hapana chiri kuchinja.
VaBiti vati havo VaChinamasa vanenge vainge vachikundikana.
VaChombo vari kubva vatambirwa nebhajeti yavo yekutanga inofanira kuparurwa mwedzi unouya.
Izvi vari kuita kunyangwe hazvo VaChinamasa vainge vave pedyo nekupeta hurongwa hwavo hwebhajeti regore rinouya.
Pakatanga kukwira mitengo yezvinhu mazuva apera, VaMugabe vakati pane mamwe makurukota avo ari kuita hwaJudas Iscarioti vachiyedza kupidigura vanhu vavo nekurega mitengo ichiita chamurambamhuru.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dzinoti ivo ndivo vari kuita kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo nemitemo yavo.
Facebook Forum