Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vokurudzira Vanhu Kuti Vanyorese Kuvhota


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopopikisa reMovement for Democratic Change uye vachitungamira mubatanidzwa weMDC Alliance, VaMorgan Tsvangirai, vari kukurudzira mhuri yeZimbabwe kuti iende kunonyoresa kuvhota.

VaTsvagirai vataura mashoko aya neStudio7 vari kuSouth Africa uko vakaenda kunorapwa vachibva vazonzi navana chiremba vavo vambozorora.

Vanoti mhuri yeZimbabwe inokwanisa chete kuvandudza zvinhu munyaya dzezvehupfumi nemagariro avo kana vachinge vaenda kunovhota musarudzo dzegore rinouya.

VaTsvangirai vanoti vanhu havafanire kutyira kuti sarudzo dzinobirirwa nekuti rwendo rwuno vakagadzirira kuti kana vavhota vachengetedze kodzero yekuvhota iyi.

Vanotiwo zvakakosha kuti vechidiki vaende kunovhota nekuti remangwana nderavo.

Vanotiwo vane chivimbo chekuti vanokunda mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe musarudzo dza2018.

VaTsvangirai vanoti MDC Alliance mubatanidzwa wevanhu vose vemuZimbabwe vachiti MDC Alliance inokwanisa kudonhedza Zanu-PF.

Asi vachitaura nevechidiki vechidiki vebato ravo kumuzinda wavo weZanu-PF Headquarters, VaMugabe vakatiwo VaTsvangirai ngavaregedze havo kukwikwidza nekuti vakatokundwa kare.

VaMugabe vakatiwo VaTsvangirai vakatowedzera kurwara mushure mekuona zviuru nezviuru zvevanhu zvichienda kumisangano yavo yakarongwa nevechidiki vebato ravo.

‘‘Vamwe vaiti hazvibudirire tichaona. Even amongst us, some wanted it to fail. But no, vakadaro VaMugabe.

Vakaenderera mberi vachiti, "You were brave enough, you were courageous enough, you were hardworking and industrious enough. You wanted it to succeed and there it was! Shudhu, yakabuda! It made not just the opposition tremble. Vakavamba vana Tsvangirai zvino kudedera nekumabvi uku, ndopakabva pavamba pasusukidza hurwere hwacho. Aiwa tinoti kandai chipfumo pasi hapana kwamunosvika. Zanu-PF is the mammoth party of the country."

Mutauriri weMDC- T, VaObert Gutu, vati VaMugabe vave munhu akwegura uye zvimwe zvavave kutaura hazvina nemusoro wose.

Vatiwo VaMugabe vanoziva kuti VaTsvangirai ndivo chete vakakwanisa kuvakunda munhoroondo yesarudzo munyika.

Vati nemakore avo makumi mapfumbamwe nematatu, VaMugabe ndivo vanotofanira kuenda pamudyandigere.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Kutanga musi weChipiri, sangano reZimbabwe Electoral Commission rakati rinenge rotonga kuenda kumatunhu richinyoresa vavhoti.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG