Munyika maita kusawirirana kukuru panyaya yekuti chii chapa kuti mitengo yezvinhu idhure.
Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanoti pane vanhu vari kuda kuvabvisa pachigaro nechisimba vachishandisa zvehupfumi.
VaMugabe vanoti ivo nedare ravo remakurukota vachasungisa vanhu vavanoti vari kushandisa madandemutande akaita seFacebook kukonzera nyonga nyonga.
Vemabhizimisi vanonziwo vachatorerwa marezinesi kana vakadhurisa zvinhu.
Asi vamwe vanoti VaMugabe vakanganwa kuti vakamboita izvi muna 2007 na 2008 zvinhu zvikatanga kushaikwa muzvitoro uye mutengo wemari yeZimbabwe ukaderera zvisina mukare akamboona.
Asi zviri kuitwa nehurumende zvinoshanda here?
Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of the Free State kuSouth Africa, VaCalvin Mdzingiri, vanoti zviri kuda kuitwa nehurumende hazvishande.
Vanoongorora nyaya yezvematongerwo enyika vakarerekera kuZanu-PF, VaGadzira Chirumanzu, vanoti pane vanhu vari kudakukanganisa hurumende nekuda kuita zvehunhubu.
Facebook Forum