Accessibility links

Breaking News

MDC-T Inoti ZEC Iri Kuramba Kubuda paChena Pane Dura reVavhoti


Sachigaro weZEC Amai Rita Makarau
Sachigaro weZEC Amai Rita Makarau

Sangano reZimbabwe Electoral Commission, ZEC, range riri muBulawayo nemusi weMuvhuro umo riri kuita musangano wemazuva maviri nemapato matatu ane nhengo dziri muparamende vachizeya nezvekugadzirira sarudzo dzegore rinouya.

Mapato aya anoti Zanu-PF, MDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, neMDC inotungamirwa naMuzvinafundo Welshman Ncube.

Zanu-PF iri kumiririrwa naVaMunyaradzi Paul Mangwana neVaWebster Shamu, MDC-T ichimirirwa na VaDouglas Mwonzora naVaObert Gutu uye MDC yaVaNcube ichimirirwa naAmai Miriam Mushayi.

Musangano uyu uri kuuya paine kunetsana kwakanyanya pakati peZEC nemapato anopikisa ari kuti sangano reZEC rakangotanga kunyoresa vanhu risina kugazirira richingotevera chiziviso chemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe chekuti chirongwa ichi chitange kunyangwe pasina michina yeBiometric Voter Registration, BVR, yakakwana yekunyoresa vavhoti.

Vanhu vataura neStudio 7 munzvimbo dzakasiyana siyana vanoti vari kutora nguva yakareba kuti vanyorese kuvhota kunzvimbo makumi matanhatu nenhatu dzakavhurwa pari zvino neZEC.

VaMwonzora vanotiwo havasi kufara nekuti ZEC haisi kunyatsobuda pachena nenyaya yedura rekuchengetera vanhu vanenge vanyoresa kuvhota kana kuti central server.

Vachitaura neStudio 7 svondo rapera, sachigaro weZEC, Amai Rita Makarau, vakati sevha iyi yakatengwa kubva kuLaxston Group yekuChina uye iri kumuzinda wavo muHarare.

Asi VaMwonzora vanoti vanoda kuzvionera pamhuno sefodya vachiona kuti masevha aya ari kupi.

Zvichakadaro, sangano reVeritas rinoongorora zvemitemo inosanganisira yesarudzo rinoti zvinhu zvakawanda pamutemo wesarudzo hazvisi kuenderana nebumburo remitemo yenyika.

Sangano iri rinoti zvinonetsa kuti vanhu vanyorese kuvhota kunova kutyora kodzero dzavo.

Semuenzaniso zvinonetsawo musi wekuvhota kuti vakaremara, vanenge vari muzvipatara nevanenge vachivhotesa vanhu vakwanise kuvhota sezvo vanhu vachitenderwa kuvhota panzvimbo chete yavakanyoresa chaiyo.

Veritas inotiwo ZEC haisi kushanda yakazvimirira nekuti zvinhu zvakawanda inoita yapihwa mvumo negurukota rinoona nezvemitemo.

Izvi zvinosanganisira kudzinga basa mukuru wesaridzo kana kuti Chief Election Officer, ZEC haipihwe mari pasina mvumo yegurukota uye ZEC haina simba rekudzika mitemo ine chekuita neBVR zvose zvinofanira kuitwa negurukota rezvemitemo.

Hurukuro naVaDouglas Mwonzora
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG