Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Dzoyambira Kuti Kunaka kweZvinhu kuZSE Munongedzo weHupfumi Hwoenda kuMawere.


Zimbabwe Stock Exchange
Zimbabwe Stock Exchange

Musika weZimbabwe Stock Exchange, ZSE, unonzi uri kuita zvidavado sezvo vanhu vakawanda vari kuenda kunotenga nekutengesa hupfumi hwavo.

Musika uyu pari zvino uri kuverengwa pamisika yepasi rose iri kushura mare mukuita mari.

Mari iri kutenderera pamusika uyu yakange yasvika pamabhiriyoni gumi nerimwe emadhora.

Makambani ari kuita zviri nani pamusika uyu anosanganisira Delta Corporation, kambani inotengesa makanda engwena yePadenga, Econet Wireless, Simbisa, National Foods, Old Mutual, Seedco, BAT, OK Zimbabwe nemamwe.

Kunyange hazvo zvinhu zviri kufamba zvakanaka pamusika uyu, dzimwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti uyu munongedzo wekuti hupfumi hwananga kumawere.

Nyanzvi idzi dzinotiwo nyaya yekushomeka kwemari munyika nekusafamba zvakanaka kwehupfumi ndizvo zviri kupa kuti vanhu vauchike mari pamusika uyu.

Vaimbova gurukota rezvemari muhurumende yemubatanidzwa uye vachitungamira bato rePeople’s Democratic Party, VaTendai Biti, vanoti kusamira zvakanaka kwehupfumi ndiko kuri kupa kuti vanhu vakawanda vaendese mari kuZSE.

Mashoko aya atsinhirwa nemutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vanoti kana vanhu vekunze vave kuuya kumisika weZSE sezvo zvinhu munyika zvisina kumira zvakana muZimbabwe.

Muzvinabhizimisi uye vaimbotungamira Zimbabwe National Chamber of Commerce, VaLuxson Zembe, vanoti nemamiriro akaita zvinhu munyaya dzezvehupfumi, Zimbabwe Stock Exchange ndiro bako rekuhwanda. Vanoti vamwe vave kutenga dzimba.

Asi VaBiti vati zviri kuitwa pamusika uyu injuga.

VaJokonya vayambirawo kuti zviri kuitika pamusika weZSE unogona kuva munongedzo wekuti Zimbabwe yadzokera kumakore ekuma 2008 apo dhora renyika rakashaya simba zvisina mukare akamboona kana kuti hyperinflation.

VaZembe vanoti vane maonero mamwe nezviri kutaurwa naVaJokonya kuti uyu moto wemapepa.

VaBiti vanotiwo zviri kuitika izvi ndizvo zvakambopa kuti musika uyu uvharwe mumakore apfuura.

Studio 7 haina kukwanisa kubata mukuru weZimbabwe Stock Exchange, VaAlban Chirume, sezvo vanzi vange vari pazororo uye vakafanobata nzvimbo yavo vanzi vange vari mumusangano.

Mabhizimisi akawanda munyika haasi kufamba zvakanaka zvapa kuti vanhu vakawanda varasikirwe nemabasa.

Hurumende inoti kusafamba zvakanaka kwehupfumi zviri kukonzerwa nezvirango zvainoti zvakatemerwa Zimbabwe nenyika dzakabudirira.

Asi vanopikisa vanoti nyaya yehuori nekutonga nedemo ndizvo zvapa kuti zvinhu zviite mhidigari muZimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG