Accessibility links

Breaking News

United Nations Yobatsira ZEC Kugadzirisa Dura Rinochengeterwa Gwaro reVavhoti


Sachigaro wesangano reZimbabwe Electoral Commission, Amai Rita Makarau, vanoti sangano reUnited Nations Development Program riri kubatsira Zimbabwe nemari yekukwenenzvera dura rekuchengetera zvine chekuita negwaro revavhoti kana kuti biometric voter registration server.

Mamwe mapato anopikisa ari pasi pemubatanidzwa wemapato anopikisa weZimbabwe National Electoral Reform Agenda ange achichema chema kuti dura iri rikasabatwa zvakanaka, sarudzo dzinogona kusafambiswa zvakanaka zvinozoguma zvoita mutauro.

Asi Amai Makarau vanoti chido chavo ndechekuti sarudzo dzakachena dziitwe muZimbabwe kwete dzinounza mutauro sezvakaitika kuKenya.

Dare repamusorosoro muKenya rakati sarudzo yemutungamiri wenyika idzokororwe. amai makarau, avo vakambova nhengo yeparamende yakadomwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vanotiwo vari kutarisira kuti mukupera kwemwedzi uno vanenge vave nemichina yose yekunyoresa vanhu vanoda kuvhota.

Nyanzvi munyaya dzekushandiswa kwemishina ye biometric voter registration, Doctor Samuel Chindaro vanoti zvakakosha kuti panyatsojekeswa kuti dura kana kuti server iyi inochengetwa sei uye nani nekuti pakaita mhute zvinogona kupa kuti munyika muite mutauro nezvemafambisirwo esarudzo.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG