Accessibility links

Breaking News

Kwese TV Yoita seMuporofita Anorambwa neVake


VaStrive Masiyiwa
VaStrive Masiyiwa

Dare repamusoro riri kutarisirwa chero nguva kutanga kuzeya nyaya yekunetsana pakati pesangano reBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, nekambani yeKwese TV yaVaStrive Masiyiwa.

Nyaya iyi yakakwidzwa nechimbi chimbi kudare negweta raVaMasiiwa, VaTawanda Nyambirai, vachiti bhodhi reBAZ rainge risisiri pamutemo sezvo nguva yaro yainge yapfuura.

Izvi zvakatevera kunyimwa rezinesi kwekambani iyi neBAZ.

Kwese TV yainge ichiyedza kubatana nekambani yeDr Dish mukutanga kutepfenyura pasatellite.

Mumagwaro ayo kudare, Kwese TV inoti inogona kurasikirwa nemari inosvika mamiriyoni mana emadhora, uye vanhu chiuru chimwe chete nemazana matanhatu vanogona kurasikirwa nemabasa.

Nyaya yekunetsana kweKwese TV iyi iri kuuya kunyangwe hazvo kambani iyi iri kutepfenyura munyika gumi nenhatu muAfrica kusanganisira, Botswana, Zambia, Mozambique, Kenya, Swaziland neEthiopia.

Pari zvino, hurumende iri kutatarika kuti iwane vekunze vanotanga mabhizimisi munyika uye yange ichiyedza nepose painogona kukwezva imwe shoroma yekuNigeria ine mari kudarika vamwe vose muAfrica, VaAliko Dangote.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemakurukota avo, vanogara vari kunze vachikwezva vekunze kuti vauye kuzotanga mabhizimisi munyika.

Asi chii chinopa kuti mwana weZimbabwe VaMasiyiwa vanetseke kutanga mabhizimisi?

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi, uye vachishanda nesangano re Labor and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti iyi inyaya yekuti muporofita haana chiremera kune vekwake here sezvinotaurwa nebhaibheri. VaChitambara vati chinogona kuve chokwadi.

Kunze kweZimbabwe VaMasiyiwa vane chiremera chikuru uye vaigara vachirumbidzwa nevaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaBarack Obama.

Mashoko aya atsinhirwawo nevaimbova gurukota rezvemari munguva yehurumende yemubatanidzwa, VaTendai Biti, avo vanoti zvinhu zvinosuwisa kuti vanhu vose vane mukana wekusimudzira Zimbabwe vanogara vakaoneswa nhamo nehurumende.

Doctor Chitambara vatiwo zviri kuitwa izvi zvinozonetsa kuti hurumende ikwanise kukwezva vekunze sezvo zviri pachena kuti zvinhu hazvina kujeka.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Free State, VaCalvin Mdzingiri, vanoti zviri kuitwa munengedzo wekuti hurumende inoda kuramba iri iyo yoga inotepfenyura kuruzhinji.

VaMdzingiri vatiwo zvinoshamisa kuti sei hurumende yakapa DSTV yekunze rezinesi nyika ichirasikirwa nemari asi yorambidza mwana wevhu.

Kunyangwe hazvo vakawanda vari kuti VaMasiyiwa vapihwe rezinesi, vamwe vakaita semunyori mukuru we ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti VaMasiyiwa vanofanirawo kubata vashandi vavo zvakanaka.

Aka hakasi kekutanga VaMasiyiwa vachinetsana nehurumende. Muna 1995, VaMasiyiwa vakabudirira kuzopihwa rezinesi rekuvamba kambani yeEconet Wireless mushure mekumbonetsana zvekare nehurumende.

Panguva iyi aive gurukota rezvekuburitswa kwemashoko vaive Amai Joice Mujuru, avo vakatuka muchakabvu Joshua Nkomo, avo vakanga vati VaMasiyiwa vapihwe rezenisi.

Amai Mujuru vakazomanikidzwa kukumbira ruregerero kuna VaNkomo.

Zimbabwe yave nemakore ichitatarika kuwana vekunze vanozotanga mabasa munyika zvapa kuti vanhu vanodarika makumi mapfumbamwe kubva muzana vashaye mabasa.

Hurumennde inoti izvi zviri kukonzerwa nenyaya yezvirango asi vamwe vanoti mitemo yehurumende yakaita seyekuendesa hupfumi kuvatema uye nyaya dzehuwori dziri kupa kuti vekunze vafunge kaviri vasati vauchika mari dzavo muZimbabwe.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:37 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG