Mutungamiri wenyika wenyika yeSouth Africa VaJacob Zuma nemusi weChina vakaudza dare reparamende renyika yavo kuti hapana chavanokwanisa kutaura nenyaya yemudzimai wemutungamiri wenyika yeZimbabwe Amai Grace Mugabe padanho rakatorwa nehurumende yavo rekuti vasaendeswe kumatare kana kuti kupihwa “diplomatic immunity”
Vanotungamira bato rinopikisa reDemocratic Alliance muSouth Africa VaMmuse Maimane ndemumwe akabvunza nezvekuregererwa kwaAmai Mugabe.
Amai Mugabe vari kupomerwa mhosva yekurova imwe tsvarakadenga Gabriella Engels mushure mekumuwana ari muhotera kuSandton, Johannesburg nevana vavo vaviri, Robert Junior naChatunga Bellamine.
Kunyangwe hazvo Amai Mugabe vakadzokera kumusha, gweta raMuzvare Gabriella VaWillie Spies vaudza Studio 7 kuti dare repamusoro muSouth Africa richazeya kuti zvainge zvakakodzera here.
Nyaya iyi iri kunzwikwa musi wa 19 Gunyana. Gweta VaGabriel Shumba vanoti nyaya yaAmai Grace Mugabe inokonzera matambudziko kuhurumende yeSouth Africa ndosaka zvichinetsa kuti VaZuma vanyatsobuda pachena kuti chii chakatora nzvimbo.
Facebook Forum