Mamwe masangano akazvimirira oga ari kupomera hurumende mhosva yekuda kuvakanganisa mashandiro avo sezvo nyika yatarisana nesarudzo gore rinouya.
Masangano aya anoti ari kushushikana zvikuru nenyaya yekuti vakuru vematunhu vave kuvati vatore magwaro matsva ekuita basa ravo kana kuti maMemorandum of Understanding uye vari kunzi avo vanoita zvematongerwo enyika vacharambidzwa kuitwa basa munzvimbo idzvi.
Mutevedzeri wasachigaro wesangano remubatanidzwa wemasangano anoshanda akazvimirira, reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaGeorge Makoni, vaudza Studio 7 kuti nhengo dzavo dzakawanda dzakatoudzwa kuti dzinofanira kunyorera vanamudzviti kumaDistrict Administrator kuti dzipihwe maMOU matsva.
Vanotiwo nhengo dzavo dzakaudzwa kuti vese vanoita zvematongerwo enyika vachanyimwa mvumo yekushanda zvikuru sei mumaruwa. VaMakoni vanotsangangura kuti zvave kunetsa kuwana maMOUs.
VaMakoni vaudza Studio 7 kuti kunze kwemakanzuru, vasori vavewo nechekuita pamusoro pemashandiro ezvemasangano akazvimirira mumatunhu.
Mukuru weCentre for Community Development in Zimbabwe iyo inoshandira kumatunhu akaita seMidlands, Mash East neCentral, Doctor Philip Pasirayi, vanoti zvave kunetsa kupihwa zvibvumirano zvekushandira mumatunhu nekuda kwesarudzo dziri kuuya. Vanoti dzimwe nguva ukanyorera uchida chibvumirano ichi kana MOU haupindurwe.
Mukuru we Platform for Youth Development, VaClaris Madhuku, vaudza Stduio 7 kuti kunyange hazvo ivo vasati vawana dambudziko iri, vamwe vavo variku gunun’una nedambudziko iri.
Munyori mukuru mubazi rezvekusimudzirwa kwemaruwa, VaGeorge Magosvongwe, vakaudza musangano wemadzishe nevakuru vematunhu nguva pfupi yapfuura, kuti ivo pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira havafaniri kuita zvematongerwo enyika.
Mwedzi wapfuura, bepanhau reTellZim rekuMasvingo, rakaburitsa nyaya yekuti mukuru wedunhu reZaka, VaVictor Zinanga, vakaudza musangano wekanzuru nemadzishe kuti masangano anoshanda akazvimirira anofanira kuramb idzwa kushanda mudunhu iri achiapomera mhosva yekutsvigira bato rinopikisa reMDC T rutsigiro.
Asi mukuru wesangano rinoshanda rakazvimirira reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisai Ruhanya vaudza Studio 7 kuti masangano anoshanda kazvimirira ari kuita basa guru mukudzidzisa vanhu kodzero dzavo.
Vanoti semaziviro avo msangano aya haaite zvematongerwo enyika.
VaItai Madzivaidze, nyanzvi munyaya dzebudiriro vanoti masangano akazvimirira ari kubatsira zvikuru uye anofanira kuregwa achiita basa ravo akasununguka.
Asi kunyange hazvo hurumende ichiti vemasangano aya, makanzuru, nemadzishe havafaniri kuita zvematongerwo enyika, sachigaro wemakanzura ese ekumaruwa munyika, VaKiller Zivhu, vari kupomerwa mhosva yekuita zvematongerwo enyika pachena.
VaZivhu avo vanove sachigaro weChivi Rural District Council vakatovimbisa mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, mamiriyoni maviri emavhoti musarudzo dzinotevera uye hapana zvavakaitwa.
Facebook Forum