Accessibility links

Breaking News

VeMDC neZESN Voshora VaMudede neNyaya Yekutoresa Zvitupa Zvitsva Zvisina Kushambadzirwa Zvakakwana


Sangano rinorwira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena reZimbabwe Election Support Network, ZESN, rinoti riri kushushikana zvikuru nekusapiwa kwedzidziso yakakwana pamusoro pehurongwa hwekutoreswa kwevanhu zvitupa zvitsva huri kuparurwa nemusi weMuvhuro unouya nehofisi yamabharani mukuru wenyika, kana kuti Registrar-General.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZESN, Amai Ellen Dingani, vanoti kubva pakaziviswa nezvechirongwa ichi nezuro kusvika musi weMuvhuro pachinotanga nguva yacho iduku kwazvo yekuti veruzhinji vange vaziva nezvacho uye kugadzirira.

Nekudaro, Amai Dingani vanoti vanoona sekunge vanhu vakawanda vachakundikana kutora mukana wekuti vachinje zvitupa zvavo kuenda kune zvitsva zvichange zvichipiwa, izvo zvinonzi zvinofambidza nemichina ichashandiswa kunyoreswa kwevavhoti, yeBVR.

Vanotiwo vari kushushikana zvikuru nemashoko ekuti vanhu vasiri zvizvarwa zveZimbabwe asi vachigara munyika havasi kuzobvumidzwa kuvhota sezvakazvisiwawo nezuro namabharani mukuru VaTobaiwa Mudede.

Amai Dingani vanoti nekuda kwezvose izvi, vanyorera VaMudede tsamba vachibvunza kuti zvose izvi zviri kumbobva kupi, uye kuti vanzwisise. Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kuhofisi yambabharani mukuru.

Hurukuro naMuzvare Ellen Dingane
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG