Bato rinopikisa reMDC-T rapindwa napongwe nenyaya yekusawirirana pakuumba mubatanidzwa wemapato anopikisa uri kunzi MDC Alliance.
Nemusi weChishanu bato iri rakaita musangano wechimbhi chimbi pamuzinda waro weHarvest House, muHarare wekuzeya mhirizhonga yakaitika kuBulawayo mukutanga kwemwedzi apo vamwe vechidiki vebato iri vanonzi vakarwisa mutevedzeri wemutungamiri webato iri Muzvare Thokozane Khupe.
Asi semunongedzo wekuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka, Muzvare Khupe, sachigaro webato VaLovemore Moyo uye murongi wemabasa VaAbednico Bhebhe havana kupinda mumusangano uyu. Vatatu ava vanonzi vakanyora tsamba kuna VaTsvangirai vachipa zvikonzero zvavo zvekusapinda mumusangano.
Vanonzi vakati havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa nhaurirano dzemubatanidzwa nekuti havasi kusumwawo uye vanoda kutanga vaita hurukuro navatsvangirai vasati vapinda mumisangano yebato.
Musangano uyu wakabuda nechisungo chekumisa basa VaBhebhe vachinzi mashoko avakataura aikonzera kusagadzikana mubato iri, mutevedzeri wemubati wehomwe VaCharlton Hwende varambawo vakamiswa basa nenyaya yemashoko avakanyora anonzi anokurudzira mhirizhonga uye vamwe vechidiki vebato iri kusanganisa VaShakespeare Mukoyi vambomiswawo basa nyaya yavo ichiferefetwe yekuti ndivo vakaenda kunorova Muzvare Khupe kuBulawayo.
Asi Muzvare Thabitha Khumalo avo vainge vambomiswa basa vanzi vadzokere pabasa sezvo vainge vazorwa mafuta enguruve yavasina kudya pavainzi vane chekuita nekurohwa kwaMuzvare Khupe.
VaBhebhe vaudza Studio 7 kuti vange vasati vawana tsamba yekuti vamiswa basa asi vatenda kuti havana kuenda kumusangano asi vakaramba kupa zvikonzero.
Mutauriri weMDC-T VaObert Gutu vati panogona kunge paine zvimhingamupinyi asi vanofunga kuti vachakwanisa kuumba mubatanidzwa.
Facebook Forum