Accessibility links

Vatsigiri veZanu-PF Voyedza Kudzinga Vanhu paManzou Kuti Amai Mugabe Vawedzera Munda Wavo

  • Blessing Zulu

Amai Grace Mugabe

Nemusi weChitatu panonzi pakaita mhirizhonga paArnold Farm kana kuti Manzou kuMazowe pakati pevanofungidzirwa kuti vatsigiri vezanu-pf nevagari vepapurazi iri.

Vatsigiri veZanu-PF ava vanonzi vaida kuti vagari ava vabve papurazi iri kuti Amai Grace Mugabe mudzimai wemutungamiri wenyika vawedzera purazi ravo.

Gavhuna wedunhu reMashonaland Central VaMartin Dinha vakaudza Studio 7 kuti Amai Mugabe vakapihwa purazi iri kuti vachengetere mhuka.

Asi matare akamisa Amai Mugabe nemapurisa kubvisa vagari varipo parizvino pasina kwekuvaendesa sezvinodiwa nebumbiro remutemo.

Mapurisa akamboputsira vanhu ava dzimba dzavo vasati vamiswa nedare.

Munyori wesangano reArnold Farm Residents Association VaInnocent Dube vanoti vari kutaura nemagweta avo kuti vaone kuti vanhu ava vasadzoke kuzovashungurudza.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG