Zvinhu zvakaita manyama amire nerongo mubato rePeople’s Democratic Party sezvo pasina kuwirirana panyaya yekupinda mumubatanidzwa weMDC Alliance.
Kusvika pari zvino, bato iri harisati raisa runyoro rwaro pachibvumirano chekuumba mubatanidzwa unenge uchitungamirwa naVaMorgan Tsvangirai veMDC-T uyo une mapato masere.
Vamwe vePDP mudunhu reMatabeleland vanoti havasi kufara nezvigaro zvavakapihwa zvekukwikwidza mudare reparamende vachiti zvishoma.
Asi mutungamiri wePDP VaTendai Biti varamba mashoko aya vachiti hapana hurukuro dzezvigaro dzati dzatomboitwa. Vatiwo vanhu vanofanira kurwisa kuti munyika muve nekubatana kwete kurwira zvigaro.
Asi mutauriri webato iri VaGeorge Mukwananzi vange vachiimba rwumwe rwiyo vachiti havasi kuwirirana nenyaya yezvigaro uye zita rekuti MDC Alliance.
Facebook Forum