Accessibility links

Breaking News

Vagari vemuMaguta Voshora Makanzuru neKutadza Kuwanira Vanhu Mvura Yakachena


Masangano anomirira vagari mumaguta nemadhorobha ari kushoropodza makanzuru achivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu nekutadzayekutadza kuwanisa vanhu mvura yakachena.

Izvi zvakabuda pamusangano wakaitwa muHarare nemusi weChina wakapindwa nemapazi ehurumende akasiyana siyana, makanzuru uye vagari vemumadhorobha.

Sachigaro weCombined Harare Residents Association, VaSimba Moyo, vanoti musangano uyu wakabatsira kuti vakwanise kuonesana neve makanzuru nezvekukomba kwedambudziko remvura.

VaAnoziva Muguti, mutungamiriri weMasvingo United Residents and Rate Payers Alliance kana kuti MURRA vati mudhorobha ravo kodzero dzevanhu dziri kumbunyikidzwa nekanzuru iri kuvavharira vagari mvura.

Vemasangano aya vataura kuti makanzuru ari kutyora chikamu chechimakumi manomwe nemanomwe chebumbiro remutemo renyika icho chinopa vagari kodzero yekuwana mvura yakachena nguva dzose.

Vamwe vakaita saVaPrecious Shumba, veHarare Residents Trust (HRT), vati mune dzimwe nzvimbo muHarare dzakaita seMabvuku, vanhu vatove nemakore akawanda vasingawani mvura.

Vatizve mvura yemuguta mavo hainwike nekuti haisi kucheneswa zvakakwana nekanzuru yavo.

Asi vanotungamirira bazi remvura mukanzuru yeHarare, Engineer Hosiah Chisango, vati kanzuru yavo inochenesa mvura vachisvitsa pachipimo chinodiwa ne bazi reUnited Nations rinoona nezvehutano reWorld Health Organization.

“Tinoshanda nemaresidents representative ose muno muHarare tichivaudza kuti mvura yedu yakachena ngavanwe.” Vanoenderera mberi vachiti, “Tiri kuonesana kuti quality yedu iri kuimprover, ikozvino 96% ye masamples atiri kutesta ari kupasa saka hapana hutachiona hunowanikwa.”

Meya weguta reMasvingo, VaHubert Fidze vaudzavo musangano uyu kuti nyaya yekushwaikwa kwemari munyika nemariro ehupfumi hwenyika zviri kukanganisa makanzuru kuti ape vagari mvura yakakwana.

“Dambudziko remvura sekuona kwandaita muno mukati meZimbabwe ririko sezvabuda mumusangano uno.”

Vanotiwo, “Dambudziko guru riripo nderemari. Vanhu vawanda mumaguta asi supply yakaramba akadaro. Tine mari yatiri kuda kuti tiwedzere mvura asi mari hatisi kuiwana.”

Vemasangano anomirira vagari vatenderana kushanda pamwe nevanotungamira maguta kuti vabude nemazano ekupedza dambudziko remvura, vachikurudzira kuti vagari vabhadhare mvura uye vemakanzuru vashandise mari iyi zvakanaka.

Nyaya yekushaikwa kwemvura yakachena ndiyo inopa kuti nyika itarisane nematambudziko akaita serecholera uye typhoid.

Nyaya Ina Gandri Maramba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG