Accessibility links

Nyanzvi Dzozeya Nyaya Yanetsa Yekuti Ndiyani Achatora Chigaro chaVaMugabe

  • Blessing Zulu

VaRobert Mugabe

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nevamwe vanasorojena vemunyika dzemuAfrica, vari kukurudzirwa kuti vazeye nyaya yekuti ndiyani achatora chigaro chaVaMugabe kana vasiya basa nekuti kusadaro zvinogona kupinza Zimbabwe nenyika dzakaipoteredza mumatambudziko makukutu.

Mudzimai wemutungamiri wenyika, Amai Grace Mugabe, vachitsigirwa neZanu-PF Youth League, vari kukurudzira VaMugabe kuti vadome munhu anozotora chigaro chavo kana vasiya basa.

Asi nyaya yekuti izvi zvoitwa sei yave gangaidzwa kumukwenyika wemhezi yavavira mudumbu.

Pari zvino mabhiza ari pamberi anonzi ndemumwe mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vari kuchikwata chinonzi Team Lacoste, uye gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika, VaSydney Sekeramai, avo vanonzi vari kutsigirwa nechikwata cheG40.

Mutevedzeri wemunyori munyaya dzezvemutemo muZanu-PF, VaPaul Mangwana, vanoti vari kushamisika kuti vanhu vasiri mubato ravo vanodei pahuku yemweni sezvo zvakajeka kuti mumwe mutungamiri anosarudzwa sei VaMugabe vakasiya chigaro.

Asi vaimbotungamira bato rinopikisa reZimbabwe Union of Democrats vari murwiri wehondo yerusununguko, Amai Margaret Dongo, vanoti hazvina kujeka uye nyaya iyi inofanira kuzeyiwa nyika isati yaita zinyekenyeke.

Amai Dongo vatiwo chinoziva ivhu kuti mwana wembeva anorwara nekudaro vanhu vanofanira kubata mazwi voona kuti anoreveyi kana Amai Mugabe vachitaura pamusoro penyaya yeluti VaMugabe vadome munhu achatora chinzvimbo chavo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paUniversirty of Zimbabwe, Muzvinafundo Eldred Masunugure, vanoti chinonetsa kugadzirisa nyaya iyi inyaya yekuti Zanu-PF inenge muzerere unoti ukakwira wodzika.

VaMasunungure vanoti chapa kuti zvinhu zviite manyama amire nerongo inyaya yekupinzwa kwaVaSekeramai mudariro nevari kudivi reG40.

Asi dambudziko iri ringapedzwe sei chaizvo?

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachishanda neCrisis in Zimbabwe Coalition, VaJoy Mabenge, vanoti vamwe vanasorojena vemuAfrica vanofanira kuita dare naVaMugabe sezvo kusagadzikana kweZimbabwe kuchikanganisawo vavakidzani vayo.

Asi VaMasungungure vanoti munhu akaita saVaThabo Mbeki haana chaangabatsire Zimbabwe nyika sezvo yake yeSouth Africa uye bato reANC zviri kubvirawo moto.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, Va Enerst Mudzengi, vanoti Zanu-PF inokwanisa kugadzirisa nyaya iyi isingazvhiyire dembo pane vanhu.

Bato reZanu-PF rakaita kongiresi rayo muna 2014 rikati VaMugabe ndivo vachamiririra bato musarudzo dzegore rinouya kunyangwe hazvo vanenge vave nemakore makumi mapfumbamwe nemana.

VaMugabe vanotiwo kunyange hazvo paine vamwe vari kuda kuvagara nhaka, vachakasimba kunyange hazvo vachimborwara pano neapo.

Zimbabwe haina kuita mumwe mutungamiri kubva zvayawana kuzvitonga muna 1980.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG