Accessibility links

Breaking News

VaMorgan Tsvangirai Votaura Pamusoro peHutano Hwavo


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC, VaMorgan Tsvangirai, varamba mashoko ari kuburitswa nemamwe mapepanhau ekuti vakaudzwa navanachiremba kuti vasarirwa nemwedzi mishoma vachirarama zvakapa kuti vadaidzire dare remhuri yavo.

“Ndakatonzwa vamwe vanhu vachiti ndafa, vari pamubhedha…Nyaya iripo ndeyekuti ndiri kurapwa. Asi kana munhu achirapwa afa? Ndinoda kuti ndiudze vanhu veZimbabwe kuti inini ndiri kunzwa zviri nani,” vadaro VaTsvangirai.

Vatiwo zviri pachena kuti vavengi vavo munyaya dzezvematongerwo enyika vari kuvashuvira zvakaipa.

“Vanoda kusevenzesa nyaya yehutano hwangu as an election issue, so vanoramba vachimutsiridza nyaya yacho,” vadaro VaTsvangirai.

VaTsvangirai vakazivisa nyika kuti vane chirwere chegomarara muna 2016 uye vari kurapwa kuSouth Africa mushure mekunge vanachiremba vavo vapa kurudziro yekuti vaende ikoko.

Vatiwo nemusi weChishanu vanenge vari muBulawayo vachisangana nenhengo dzebato ravo kuMcdonald Hall kuMzilikazi.

Zimbabwe yakatarisana nesarudzo muna 2018 asi semakore ose kana munyika moitwa sarudzo munoita semakaberekera ingwe nenyaya yekurwisana nekukandirana makobvu nematete.

Hurukuro naVaMorgan Tsvangirai
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG