Accessibility links

Breaking News

ZESN Yokurudzira ZEC Kugadzirisa Zvinetswa Zvakabuda paSarudzo yeChiwundura By-Election


Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.
Zimbabwean central bank governor John Mangudya delivers his 2016 Monetary Policy statement in Harare, Feb. 4, 2016.

Bazi reZimbabwe National Statistics Agency, kana kuti Zimstat, rakazivisa nemusi weMuvhuro kuti inflation yadzika kusvika pazviga makumi matatu nechimwe kubva muzana kana kuti 0.31% kubva pazviga makumi manomwe neshanu kubva muzana kana kuti 0.75%.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kugadzirisa nyaya yehupfumi kana zvinhu zvakadai kuchanetsa.

Nemusi weChitatu pamusangano wezvemabhizimisi wakarongwa neUniversity of Zimbabwe, gavhuna weReserve Bank of Zimbabwe, Doctor John Mangudya, vakati vanoda kuti inflation ikwire kusvika kana pazvikamu zvinomwe kubva muzana kuti hupfumi hwenyika hutange kushanda zvakanaka.

International Monetary Fund yainge yamboti inoona inflation yeZimbabwe ichisvika pazvikamu zvinomwe kubva muzana muna Zvita.

Kana inflation ikanyanya kuderera sezviri kuitika muZimbabwe inoguma yave deflation.

Izvi zvinoreva kuti mitengo yezvinhu inenge yanyinyisa kudzika zvichikonzerwa nekushaikwa kwemabasa zvinokonzerwa nehupfumi hwenyika hunenge hwaenda kumawere.

Nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vayambira kuti hupfumi hwenyika hwananga kumawere zvekuti kuzvigadzirisa kuchatora nguva.

Hurukuro naVaProsper Chitambara
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG