Accessibility links

Breaking News

VaMugabe Votadza Kudzoka Kubva kuSingapore Sezvange Zvataurwa neHurumende


Zimbabwean President Robert Mugabe smiles during a youth rally in Marondera about 100 kilometers east of Harare, June, 2, 2017.
Zimbabwean President Robert Mugabe smiles during a youth rally in Marondera about 100 kilometers east of Harare, June, 2, 2017.

Mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe avo vange vachitarisirwa kudzoka munyika nemusi weChitatu kubva kuSingapore kwavakaenda kunorapwa nemusi weChishanu svondo rapera vanonzi vanogona kudzoka nemusi weChishanu kana Mugovera.

VaMugabe vanoenda kunorapwa kuchipatara chinonzi Gleneagles chemuSingapore uye aka ndeke chitatu gore rino mutungamiri weenyika achienda kuchipatara ichi. Bazi rinoona nezvekuburitswa kwemashoko ndiro rakazivisa kuti VaMugabe vaizodzoka pakati pevhiki.

Mutauriri waVaMugabe VaGeorge Charamba vange vasiri kudaira nharembozha yavo. Asi vanhu vanofanira here kuziva nezvehutano hwemutungamiri wenyika? Gweta rinorwira kodzero dzevanhu VaDewa Mavhinga vanoti vanhu munyika vanofanira kuziva nezvehutano hwemutungamiri wenyika.

Vanoti bumbiro remutemo rinotaura kuti munhu anotungamira nyika anofanira kunge aine hutano hwakanaka. VaMavhinga vanoti VaMugabe vanoendawo kunorapwa nemari yemitero inobhadharwa nevanhu kuhurumende.

Gore rapera VaMugabe vakashandisa mari inodarika mamiriyoni makumi mashanu nematatu kuenda kunze kwenyika kunyangwe bhajeti yavo yainge iri yemari inosvika makumi maviri nematatu.

Hurukuro naVaDewa Mavhinga
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG