Accessibility links

Motokari yeMDC Inopiswa kuKuwadzana Uko Mapurisa Achisunga Vamwe VeChidiki veBato Iri

  • Blessing Zulu

VaChamisa vari pamotokari yakapiswa kuKuwadzana manheru

Motokari yebato rinopikisa reMDC-T yakapiswa nezuro manheru mumusha unogara vazhinji wekuKuwadzana muHarare nemusi weChitatu manheru.

Mutevedzeri wemutungamiri webato iri VaNelson Chamisa avo vanovawo mumiriri weKuwadza East mudare reparamende vaudza Studio 7 kuti sezvo nyika yatarisana nesarudzo dza2018 zviri pachena kuti pane vamwe vanhu vave kuda kukonzera mhirizhonga.

VaChamisa vakati mapurisa ainge apirwa nyaya iyi uye vange vatotanga kuiferefeta.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri wemapurisa Senior Assistant Commissioner Charity Charamba sezvo vakanzi vainge vari mumusangano.

Zvichakadaro, sangano reZimbawe Lawyers for Human Rights rinoti maourisa akasunga vamwe vatsigiri veMDC-T vaviri mushure mekuratidzira kwavakaita nemusi weChitatu vachiti havasi kufara nemabatirwo ari kuitwa basa nesangano reZimbabwe Electoral Commission.

Vakasungwa ava ndiVaDarlington Madzonga uye VaEdmore Musvibhi. Vaviri ava vari ava vari kupomerwa mhosva yekuputsa midziyo pakuratidzira uku uye vari kuratarisirwa kumiswa pamberi pedare nemusi weChishanu.

Mumwe wechidiki ange achiratidzira muHarare Grievance Sipikita uyo ange achiti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vasiye basa kana vakundikana aksungwawo nemusi weChina achinzi ari kuda kukonzera musarinya kana kuti criminal nuisance.

Grievance Sipikita (Mufananidzo naVaKumbirai Mafunda)
Grievance Sipikita (Mufananidzo naVaKumbirai Mafunda)

Sipikita anoti haasi kufara kuti vanhu vemuZimbabwe havasi kuenderera mberi nekunyunyuta zvaiita VaItaii Dzamara avo vakapambwa muna 2015 vasiri kuzivikanwa kuti vari kupi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG