Accessibility links

Breaking News

Amai Makarau Votaura nezveKuwanda kweNzvimbo dzeKunyoresa kuVhota kuMaruwa


Amai Rita Makarau

Sachigaro weZimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC Amai Rita Makarau vanoti vakaendesa nzvimbo dzekunyoresa kuvhota dzakawanda kumaruwa kwete mumadhorobha nenyaya yekuti vanhu vari munzvimbo idzi vanogara kure nekure.

Asi vanopikisa varikushora sangano reZEC vachiti riri kuda kuti vanhu vanofungidzirwa kuti vanotsigira bato reZanu-PF vakwanise kunyoresa kuvhota asi vari mumadhorobha vanofungidzirwa kuti vanotsigira vanopikisa vachishaya mukana wekunyoresa kuvhota.

ZEC inoti inoda kunyoresa vanhu mamiriyoni manomwe kuti vakwanise kuvhota.

Panyaya yekuumba gwaro idzva revavhoti, Amai Makarau vanoti panosvika muna Zvita vanenge vapedza gwaro rekutanga revavhoti kana kuti "draft voters roll". Vati nguva yekuita izvi ichiripo kunyangwe vamwe vari kuti zvave kunetsa kugadzira gwaro iri gore rino risati rapera.

Hurukuro naAmai Rita Makarau
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:17 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG