Mumwe mukuru mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika asina kuda kudomwa nezita audza Studio 7 kuti mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe vakaenda kunorapwa kuSingapore nemusi weChishanu.
Asi mukuru uyu, uyo ati titaure nemutauriri waVaMugabe, VaGeorge Charamba, ati hake VaMugabe havasi kunyanya kurwara sezviri kutaurwa nevamwe vanhu munyika.
Hatina kukwanisa kubata VaCharamba sezvo nharembozha yavo yange isiri kudairwa. Aka ndekechitatu gore rino VaMugabe vachienda kuSingapore kunorapwa.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzinoti nyaya yekuti VaMugabe vakura uye kuti vave kugara vachinorapwa ndiyo yave kupa kuti mubato ravo muve nekunetsana kwakanyanya pane zvikwata zviri kurwira kuti zvitore chigaro chavo kana vachinge vasiya basa izvo zvave kusanganisawo vakuru vemauto.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika VaJoy Mabenge vanoshanda nesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition kuchamhembe kweAfrica vaudza Studio 7 kuti hutano hwaVaMugabe uye kupindira kwaVaMugabe munyaya dzvevematongerwo enyika zvave kupa kuti munyika muiite zinyekenyeke.
Facebook Forum