Accessibility links

Breaking News

Varimi Vochema Chema Sezvo GMB Yoramba Kutenga Chigabe Chavo


Varimi vakawanda mudunhu reMashonaland West vanoti havasikufara nekurambwa kuri kuitwa zvirimwa zvavo kuGrain Marketing Board (GMB). Varimi ava vanoti chibage chavo chiri kurambwa zvichinzi chichine hunyoro hwakanyanya, avo varikutengesawo soya bhinzi vari kunzi bhinzi ravo rinetsvina nematombo.

Varimi vanoti havasi kufara sezvo vanenge vabhadhara kutakurwa kwechibage chavo uye vanenge vomanikidzwa kubhadhara zvakare kuti zvirimwa zvavo zvitakurwe kudzoserwa kwavanenge vabva. Mumwe murimi uyo anzi chibage chake chichiri chinyoro ndeVaNyasha Ziga avo vanorima kuMhangura.

VaZiga vanoti zvaitwa neGMB zvavarwadza sezvo vabhadhara mari inoita madhora makumi mana ekutakurisa chibage chavo, vanoti vave kubhadhara imwe mari kuti vadzokere nechibage chavo kumba kunochiomesa. Mumwe murimi wekuGolden Kopje VaElson Magama vanoti vadzoserwa matani matatu avo echibage vachinzi chinyoro.

VaMagama vanoti vave kumanikidzwa kuenda kunotengesa chibage chavo kune vanotenga chibage vakazvimiririra sezvo vachida kunobhadhara vanhu vari kuvayamura kukohwa.

Mumwe murimi VaTinashe Rusere vanoti soya bhinzi ravo rarambwa zvichinzi rinetsvina yakawanda. VaRusere vanoti izvi zvinoshamisa sezvo pasingashaye karara kanenge kari mubhinzi nekuda kwenzira

VaKenny Nyandoro avo vaneshamwari yavo yakatengesa chibage chayo nezuro vanoti paGMB pave nehuori. VaNyandoro vanoti shamwari yavo yakabhadhara mari inoita madhora makumi maviri kuti chibage chake chitambirwe.

VaJonathan Chimbagu avo vatengesa chibage chavo kunevanotenga vakazvimirira vanoti vanowana mari yavo ipapo kwete zvekuGMB izvo zvinotora mavhiki maviri kuti vawane mari yavo.

Asi mushandi weGMB paLions Den asina kuda kuzivikanwe nezita sezvo asingabvumirwe kutaura nevatori venhau anoti varimi vanofanirwa kuuya nechibage chishoma (sample) kuti chitariswe kuoma kwacho vasati vauya nechibage chavo chakawanda.

Mazvikokota wezvekurima kuMakonde VaPedzisai Ngorima vanoti nekuda kwemwaka wemvura wanga wakakura chibage chichiri chinyoro sezvo kwakanaya kusvika mwedzi wapera.

VaNgorima vanoti varimi vanechibage chakaoma zvakanaka nguva ino

vanenge vakaita zvekuomesa. GMB iri kutenga tani yechibage nemadhora mazana matatu nemakumi

mapfumbamwe asi vanotenga vakazvimirira vanotenga nemadhora mazana maviri vachipa mari ipapo. Mari yekuGMB inouya kwapera mavhiki matatu.

Nyaya Ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG