Accessibility links

Breaking News

IMF Inoti maBond Notes Haangagadzirise Dambudziko reMari muZimbabwe


16.
16.

Bhanga guru rinokweretesa mari nyika dzepasi rino reInternational Monetary Fund, kana kuti IMF, rinoti kuparurwa kwakaitwa mari yemabond notes neZimbabwe hakupedze dambudziko rekushomeka kwemari munyika.

Mashoko aya ari kuuya apo Reserve Bank of Zimbabwe iri kutumira matikitivha kuzvitoro kuti isunge vanonzi havasi kuendesa mari kumabhanga nechimbi chimbi zvave kunzi zviri kukonzera dambudziko rekushomeka kwemari munyika.

Asi mukuru weIMF muAfrica, VaAbebe Aemro Selassie, vakaudza vatori venhau muWashington DC kuti kuparura mabaond notes hakungapedze dambudziko rekushomeka kwemari munyika.

Vanoti Zimbabwe inotofanira kusunga dzisimbe kuti igadzirise mitemo inopa kuti hupfumi hugadzikane ikwanise kutanga kutengesa zvinhu kunze kwenyika yowana mari.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vari mukuru wesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Godfrey Kanyenze, vanoti vanotenderana neIMF asi vachiti Zimbabwe inofanira kumira nyaya dzehuori.

Imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi vachidzidzisa paUniversity of Zimbabwe Doctor Gift Mugano vanotenderanawo nemaonero eIMF.

Asi mukuparura mari yemabond notes gavhuna weRBZ, Doctor John Mangudya, vakati anobatsira.

VaMangudya vanoti chimwe chiri kunyanya kuita kuti dambudziko rekushomeka kwemari rinyanye kunetsa inyaya yevemakambani vasiri kuendesa mari kumabhanga.

Nekuda kwefungidziro iyi RBZ yave kutumira matikitivha eFinancial Intelligent Unit kunomanikidza vemabhizimisi kuendesa mari kumabhanga.

Vachitsinhira, gurukota rezvehupfumi VaPatrick Chinamsa vanoti pasi pemutemo we Bank Use Promotion Act [Chapter 24:24] vemabhizimisi vanofanira kuendesa mari kumabhanga mukari mezuva rimwe chete.

VaDenford Mutashu mutungamiri wesangano re Confederation of Zimbabwe Retailers vanoti vanotenderana nedanho raVaMangudya.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaBusisa Moyo, vanotiwo vanotenderana neRBZ.

VaMoyo vati mari ikasaenda kumabhanga zvinopa kuti vanogadzira zvinhu vatadze kuhodha zvinhu kunze.

Asi Doctor Mugano vanoti zviri kuitwa naVaMangudya kupedzera hoko padehwe retsindi.

Zimbabwe yakatanga kushandisa dhora rekuAmerica nedzimwe mari dzekunze muna 2009 mushure mekunge dhora remunyika ratanga kushaya simba zvisina mukare akamboona. Kusvika parizvino, RBZ inoti yakwanisa kudhinda mari inosvika mamiriyoni zana nemakumi maviri nerimwe yemabond notes.

Nyaya Ina Blessing Zulu
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:06:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG