Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Yotanga Kuyedza Mashandiro eMichina yeKuvhotesa yeBVR


Chirongwa cheZimbabwe Electoral Commission, ZEC, chekuita misangano nemakambani anotengesa michina yekunyoresa vavhoti yeBiometric Voters Registration chiri kutanga nemusi weChisghanu chichipera nemusi weChitatu svondo rinouya.

Makambani ari munyika kuzoshambadza michina yavo anoti Laxton Group yekuChina uye Dermalog Identification Systems yekuGermany.

Kambani yechitatu yeZETES yekuBelgium haina kuzobudirira kuuya.

ZEC ichasarudza kambani imwe chete pambiri idzi yekupa basa rekuunza michina yeBVR. Michina iyi ichange ichiongororwa mashandiro yawo kuHarare Polytechnic ne Mabvuku Primary School nemusi weMugovera ozopedzisira kuMurape Secondary School neSvondo.

Makambani aya achange achinyoresa vavhoti kuti paonekwe kuti michina yavo iri kushanda zvakanaka here.

Chikoro chega chega chanzi chiunze vana zana nemakumi mashanu vari pasi pemakore gumi nemasere.

ZEC yadaidza vemapato ezvematongerwo enyika uye masangano akazvimirira oga.

Mukuru weElectoral Resource Centre, VaTawanda Chimhini, vanoti havasi kufara nenyaya yekuti havasi kutenderwa kubvunza mubvunzo kumakambani aya.

Uhu ndihwo hurongwa hweZEC:

Hurukuro naVaTawanda Chimhini
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:08 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chiitiko

Zuva/Musi

NzvimboNguva

Observer Briefing

20 Kubvumbi 2017

ZEC HQ

11:00 – 12:00

Presentations by Bidders

21 Kubvumbi 2017

ZEC HQ

08:30 – 16:00

Laboratory Test (Hardware and Software checks)

22 Kubvumbi 2017

ZEC HQ

09:00 – 16:00

Training of voter registration operators

23 Kubvumbi 2017

Harare Polytechnic

09:00 – 15:00

Field Test (mock BVR registration)

24 Kubvumbi 2017

Mabvuku High School

08:30 – 16:00

Field Test (mock BVR registration)

25 Kubvumbi 2017

Murape Secondary School – Seke

08:30 – 16:00

Field Test (shock and waterproof tests)

26 Kubvumbi 2017

ZEC HQ

08:15 – 11:00

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG