Vanhu vakawanda munyika nevemakambani vanoti dambudziko rekushomeka kwemari mumabhanga ratanga kukomba zvekare zvopa kuti vanhu vanetseke pasina chiyedza chekuti ringapedzwe sei.
Nyaya yemitengo mitatu munyika yave kunyatsodzika midzi vanhu vachibhadhariswa mari dzakasiyana pakushandisa maATM cards, mabond note nedhora rekuAmerica.
Nekuona kuti dambudziko remari rave kuramba richikura, hurumende yakasunga vamwe vakuru vemakambani anoti Bathroom Boutique, Builders Home neEurostar Electrical Company Limited.
Makambani aya ari kutongwa pasi pemutemo weBank Use Promotion Act achinzi haasi kuendesa mari kumabhanga mukupera kwezuva.
Vachitaura mudare reparamende nemusi weChina, gurukota rinoona nezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatiwo hurumende ichadzika mutemo wekutorera mamwe makambani marezinesi kana vakasaendesa mari kumabhanga mukupera kwezuva.
VaChinamasa vanoti vakaisa ziso ravo pamakambani akaita seMahomed Mussa, Ok Bazaars, TM Pick n Pay ne Choppies yemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko.
Mutungamiri webato rePeople's Democratic Party, VaTendai Biti, avo vaimbova gurukota rezvehupfumi munguva yehurumende yemubatanidzwa, vanoti chapa kuti mari irambe ichinetsa kutadza kutonga kweZanu-PF.
VaBiti vatiwo zvekuda kutyisidzira vanhu nekuvasunga hazvishande.
Facebook Forum